Kurunga mutauro nemadimikira

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
“NDAKAMUWANA akarara dzedanda chaidzo. Ndakaedza kugugudza zvine mutsindo asi handina akandinzwa. Zvakandikandisa mapfumo pasi ndikabva ndaramwira gotsi kumukova ndakananga kurwizi Rwenje urwo ndakawana rwakashatirwa rwuchifemera pamusoro.

“Ndakambofunga zvekubatira pamiswe yana Jamburutu naMatsiru dzaiyambuka ndakaona kuti ndaive ndoda kuridza ngoma nedemo ndikabva ndakanda pfungwa iyoyo kwakadaro. Rudo akange abiwa nehope apo pakadzuruka misodzi yamwari.

“Ndakazvitenhera mundangariro dzepfungwa asi mundangariro idzodzo hamuna kana chakabuda ndokugara pasi ndichin’urwa mwoyo nekuziva kuti ndakange ndananika hura hwangu pachitsiga.

“Semunhu akanga amonyororwa pfungwa, handina kana kunzwa kusvika kwaMuchapondwa uyo aingobvundawo serutsanga rwuri mumvura. Takabva taisa misoro pamwe chete tichitsvaga kuzvibuditsa muna taisireva mataive tapinda.”

Uku kutaura mutauro wamadimkira wakati korei. Zvirokwazvo kune vanorudunura mutauro wakakora kupfuura zvandaita izvi. Madimikira chikuvauro chekurovera nekutsindira mutauro kuti umandane ugokora.

Mukudimikira imomo tinenge tisingataure zviri pachena asi kuti zvakati hwandei. Ndingapa muenzaniso wemiganhu yeminda mumaruwa umo vanhu vanogarisana. Ukanzwa vanhu voti vanhu ava vakarimirana kumuganhu vanenge vasingatauri miganhu yeminda chaiyo asi kuti vanhu ivavo vakavengana zvekuti havaonane kana kutaudzana.

Chikamu chino tinoda kudoma nekutsanangudza madimkira. Kana zvichinzi kubura chakati tende zvinoreva kudenha chinhu chinokupinza mudambudziko rakakura chose. Unenge wazvidenhera zvakarara hazvo.

Kubatira ura mumaoko kuva nekutya kukuru kwazvo pamusoro pezvinhu zvingangoitika zvisina kunaka. Kubatisa munhu maneka kumutambudza nekumushungurudza kukuru. Zvinoreva zvakare kuti kurwadzisa nekushatirisa munhu kana kumupfidzisa zvisingabviri.

Kana wabereka katsiga kane moto kumusana zvinoreva kuti wazvipinza mumatambudziko makuru anokutevera pose paunoenda. Unenge usisina rugare nedambudziko rinenge rakakumomotera.

Vamwe vanhu vanoda kutsvaga kutsanangurirwa zvinhu zviri pachena uye zvavanonyatsoziva. Panenge paine minongedzo iri pachena zvekuti munhu ega anogona kungobatanidza chino nechocho zviripo zvotoreva tuso.

Kana uchida tsanangudzo pachena pakadai ndipo panonzi kuvhunza nyama makushe uchiaona. Vamwewo vanhu vanoita zvinhu zvinopedzisira zvapfurikidza mwero. Kana zvadai vabve zera vanobva vati wabaya iri pamusungo.

Kudirwa nyimo dzinopisa munguwo munhu anenge avambirwa zvinhu zvinozomupinza mudambudziko guru. Ndiko kugadzirirwa dambudziko guru rinokukuvadzisa muupenyu. Zvakada kufanana nekudhonzera munhu guvhu mukati. Unenge wamuitira zvinhu zvinomurwadzisa zvikuru.

Kudyirwa munda nembwa kuitirwa zvinhu zvinoshamisa zvikuru. Kune vamwe vanhu vanoda kungozviisa pazvinzvimbo zvavasingakodzeri nepamusana pekungoda kutevedzera zvinoitwa nevamwe. Kuita kwakadai ndiko kunonzi kuda kufananidza nguwo nedza Tarubva.

Kugurwa mabvi kuitirwa chinhu chinokupedza simba nekukutadzisa kuita zvimwe zvinhu.

Kana munhu akati wandigura kunorira anenge achiti wamuitira zvamurwadza.

Kuguma dova kumuka rungwanani-ngwanani uchifamba rwendo. Kudimikira kwekufamba kuri paviri. Kukanda tsoka kufambisa asi kubereka tsoka kumhanya uchitiza. Kurova nhetserwa kumuka mangwanani uchifamba rwendo.

Kuseura munhu gotsi kumureva nekumuitira makuhwa.

Share This:

Sponsored Links