‘Kuverenga ndiwo mushonga bedzi’

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
‘Kuverenga ndiwo mushonga bedzi’

Kwayedza

MUSIKANA anovA chikwapuro paHarare Girls High anoti vana vechikoro vakawanda vanokundikana muzvidzidzo zvavo nemhaka yekutungamidza kutamba vasingazvipe nguva yekuverenga mabhuku yakakwana.
Nyasha Muchenga, uyo ari kuita Form 1 pachikoro ichi, anoti ishasha muzvidzidzo nekuda kwekuverenga mabhuku uye anoedza napose paanogona kushandisa mukana wenguva yaanenge awana.

Nyasha akakumba mibairo yezvidzidzo zvinosanganisira Mathematics, Accounts, French, Food and Nutrition uye ndiye zvakare akaenda nemubairo wekukunda vamwe vana vose veForm 1 pazuva reSpeech and Prize Giving Day iro rakaitwa pachikoro ichi nguva pfupi yadarika.

Anoti anoshingairira kuve munhu akarongeka nekuti anoziva kuti dzidzo ndiwo musimboti weupenyu.
“Kuverenga mabhuku ndihwo hwaro hwekuti ani naani akunde muzvidzidzo zvaanenge achiita. Ndinoedza kushandisa nguva yekuverenga yatinopihwa kuchikoro nekuti ipapo ndipo pandinobata kuti mudzidzisi anga achiedza kutii,” akadaro Nyasha.

Anoti zvakakosha kuti mwana wechikoro azive kwaanobva, izvo zvinomubatsira kuti ashande nesimba pamwe nekuve negwara rakatwasuka.

Akashora tsika inoitwa nevamwe vana vechikoro, yekunyepedzera kuita sevanhu vakasimukira muupenyu kumhuri kwavo kana vari pane vamwe, achiti izvi zvinoita kuti varasike mugwara zvachose sezvo kazhinji vana vanodaro vanodzikira zvakanyanya muchikoro nekuti vanenge vasina chinangwa.

“Vamwe vana vechikoro vanorasika nekuda kurarama upenyu hwepachivhitivhiti uye izvi kazhinji zvinoita kuti vakundikane muchikoro nekuti vanenge vava kutandanisa tsuro mbiri. Zvakakosha kuziva kwatinobva torega kuita zvekuonererwa,” akadaro Muchenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>