Mabasa akafadza nengano

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

HAPAIDANWA anonzwa paAlliance Francaise muHarare nguva pfupi yadarika apo paipakurwa ngano dzinokodza moyo nemunyori achivazve nyanduri ane mukurumbira, Ignatius Mabasa, idzo dzaive nechenjedzo nezvidzidzo zvakakosha muupenyu hwemunhu.
Mune imwe yengano idzi, Mabasa akaburitsa pachena  pfungwa dzinoratidza kuti ndambakuudzwa yakaonekwa nembonje pahuma.

Chidzidzo ichi chakaburitswa apo vana vahuku — nhiyo — vakapinda muna taisireva.
Kusaterera uku kwakaparira nhiyo idzi apo dzakanzi naamai vadzo dzisafambe-fambe asi ndokuisa zvimiti munzeve.

Nhiyo idzi dzakazofarisisa apo imwe yadzo yakanhonga gonye asi gonye irori ndiro rakazokonzeresa kuti dzipinde mutsekwende.

Mune imwe ngano inonzi Mary neBhutsu Tsvuku, Mary akaparirwa nenyaya yekuda zvisiri zvake.
Hapana chimwe chinhu chakatora moyo waMary kupfuura bhutsu tsvuku yaakasangana nayo achienda kwaambuya vake.

Pfungwa dzaMary dzaida kuedza kubatanidza zvakanga zvichiitika asi pazvimbo yekuti bhutsu tsvuku idzi dzive dzake, iye akasara ari pagwenga.

Mabasa akaitazve imwe ngano yedende neyekushora mbodza neinozvimbira izvo zvinowanikwa mazuva ano muupenyu. Mungano iyi, kamba, uyo akashorwa nedzimwe mhuka dzose akakumbira mukana wekuchera tsime remvura zvakaita kuti mvura izobuda mushure mekunge dzimwe mhuka dzose dzatadza.

Nyaya iyi inonakidza nekuti tsuro, uyo akaramba kubata basa nevamwe, aive netwakewo twunotemesa musoro mhuka dzesango.

Ngano iyi inonakidza zvikuru sezvo mhuka idzi dzinenge dzichishandisa nharembozha.

Share This:

Sponsored Links