Mabhonzo mumuriwo wetsunga

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Mabhonzo mumuriwo wetsunga

Kwayedza

NYAMA yemabhonzo emombe yakasangana nemuriwo wetsunga zvikanyatsobikwa zvine huyanzvi kudya kunonaka zvikuru.

Svondo rino VaTichaona Mwendera vekuMasvingo vanotitsanangurira mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Nyama yemabhonzo emombe, munyu, mafuta, muriwo wetsunga, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Fashaidza nyama yako pamoto kwemaawa maviri.Ita izvi uchiwedzera mvura kusvikira yaibva.

Cheka muriwo wetsunga mushoma wokanda.Cheka zvakare hanyanisi nematomatisi wokanda.

Isa munyu netwumafuta twushomanana wosiya zvikwate.

Usaise godzamuto.

Kana zvaibva, chibura upakure wozviruma rurimi nekunakirwa.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena kana rezviyo.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>