Mabikirwo enyama yesusu

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Mabikirwo enyama yesusu

Kwayedza

Nyama yesusu isati yabikwa

Nyama yesusu isati yabikwa

KARE vamwe vaiti kana munhu achida kugona kuridza mheterwa, anofanira kudya nyama yesusu remombe iri mbishi. Asi kana nyama iyi ikabikwa zvine hunyanzvi munhu anotoita seacharidza mheterwa nekunakirwa. Svondo rino Mai Mhosva vekuGlen Norah, muguta reHarare, vanorondedzera nezve makaringirwo enyama yesusu.ZVINODIWA:

Tenga nyama yesusu muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Nyama yesusu vamwe vanoiti “bhaibheri” nekuda kwekuti ine zvimupande zvakawanda nekudaro zvimupande izvozvo zvinofanira kuvhurwa uchitora nguva yako pakuigeza dakara yachena.

Shandisa poto kana chikari chakachena.

Nzvimbo yaunobikira ngaive yakashambidzikawo.

Cheka-cheka susu kuita zvidimbu zvakafanira wokanda muchikari.

Siya zvikwate kwemaminitsi angaite makumi matatu kuti nyama inyatsoibva.

Kanda matomatisi, hanyanisi nemunyu uye mafuta wosiya zvichikwata.

Chekerera tumuriwo twetsunga wokanga, wozosiya zvichiibvirana.

CHEKUDYISA:

Nyama yesusu inodyiwa nesadza jena kana rezviyo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>