Machipisi ane soseji

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Machipisi ane soseji

Kwayedza

MACHIPISI akasanganiswa nesoseji mudya ndakasungwa chaiwo.

Svondo rino mudzimai wechidiki, Fortunate Sungayi, uyo ari kuSouth Africa anotitsanangurira mabikirwo emachipisi ane soseji.

Zvinodiwa:

Mbatatisi, soseji, magaka, matomatisi, hanyanisi, munyu, mafuta nechip spice.

Mabikiro:

Menya mbatatisi wodzicheka muzvidimbu zvakareba.

Geza mbatatisi idzodzo wodzipukuta nejira rakachena.

Isa mafuta mupani, rega apise wozokanda mbatatisi dzaunenge wacheka shoma neshoma uchisiya dzatsvukira.

Kana dzaibva, chimwaya chip spice yaunoda.

Tora soseji woikanga nemafuta kusvikira yatsvukira.

Kana yaibva, ibvise mupoto woicheka nepakati.

Wozodii?

Kana wapedza, chigadzira salad yako kuburikidza nekucheka magaka, matomasi nehanyanisi wozvisanganisa.

Unogona kuita izvi uchiaronga zvakanaka mundiro kuti zvitaridzike zvakarurama. Mwaya twumunyu twushoma mumagaka iwayo pamwe nemumachipisi wozviruma hako rurimi nekunakirwa.

Kudya uku kunonaka zvikuru uye kunoda kuine chinwiwa parutivi kana mvura chaiyo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>