Madzimai abva kure

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weChitatu uno, pasi rose vanhukadzi vakacherechedza zuva rakavakoshera zvikuru, zuva reInternational Women’s Day. Semakore ese.

Zuva iri rakapembererwa pasi pedingindira rinoti muchiRungu: “Be Bold for Change.” MuchiShona tingati dingindira iri rinokurudzira vanhukadzi kumira vakasimba, kuti vaone shanduko muupenyu hwavo, uyewo kuti vave ivo vanokonzeresa shanduro yacho. Idingindira rinokurudzira madzimai kuti zvinhu zvese zvinogoneka, kana vakaisa pfungwa dzavo pazviri nemasimba.

Makorokoto makuru kuvanhukadzi vose vomuZimbabwe, Africa nepasi rose, kusanganasira vanasikana vari kukura, nokuti ndivo vachafamba nzira dziri kukurwa idzi.

Chinonakidza muZimbabwe ndechokuti zuva ramadzimai rinocherechedzwa mumwedzi waKurume, kwete muna Kukadzi.

Madzimai ngaasagunun’une nokuti nyika, kana dunhu rimwe nerimwe rine mutauro waro. Ndokusaka muchiRungu ari March.

Ndadaro nokuti kune vamwe vanorwira kodzero dzamadzimai vanoona zvakavanzika mukuti International Women’s Day inorangarirwa muna Kurume sei! Kwavari, hutori hudzvinyiriri.

Kana yadai, yakwidza mutima, yotoendeswa kusangano reSadc, African Union kana United Nations.

Chakakoshera 8 Kurume ndechokuti izuva rinopembedzwa nhanho dziri kuramba dzichitorwa namadzimai kuti mikana pakati pavo navanhurume ienzane, kunyanya mumabasa, dzidzo nezvimwe zvinoita kuti upenyu hwavo nemhuri, nenharaunda dzavo zvive nani. Zuva iri rinopawo mukana, kwete kumadzimai chete, asi nekuvanhurume neHurumende kuti vatarise zvakagonekwa nezvisina mugore rapfuura, uyewo nokuongorora kuti ramangwana ringafambiswa sei.

Pandakafungisisa nezvazvo, ndakaona rwuri rwendo rwakatanga makare-kare, uyewo ndakaona kuti kunyange zvazvo mhemberero idzi dzave kuitwa zuva rimwe chete pasi rose, zvichibva kuhutungamiri hwesangano reUnited Nations Women, asi rwunenge rwendo rwatsuro nakamba.

Rungano rwatsuro nakamba rwunoti mhuka mbiri idzi dzakabvumirana kuita makwikwi ekumhanya kusvika panzvimbo yavakatarirana, asi tsuro nokungwara kwake, akafa nokuseka achiti, “Nokufamba kwamunoita sekuru kamba, munofunga kuti mungandisiye?” Asi kamba akati, “Muzukuru, ngatiitei makwikwi chete, asi ndinokuvimbisa kuti ndinokutangira!”

Vakagadzirira makwikwi, asi chisina kuzivikanwa natsuro ndechokuti kamba akaita musangano nevamwe vake vakaronga kuti pane nzvimbo imwe naimwe pachazenge paina kamba ari kunanaira akananga kwakatariranwa.

Musi wamakwikwi, kamba akananaira, uku tsuro akamhanya achifunga kuti panozosvika kamba, iye anenge aneta nokuzorora.

Asi sokutaurwa kwazvinoitwa mazuvano, tsuro haana kuziva kuti arongerwa. Tsuro aiti akati mhanye-mhanye, oona kamba ari kunanaira, zvomushamisa kuti asvika nguvai.

Aiseka achiti hapana kwamunoenda sekuru, asi oti  mhanye-mhanye zvakare, oona kamba ari mberi kwake. Zvaasina kuziva ndezvokuti achasvika pavanogumira owana kamba atovepo nechakare. Nenyaya yamakwati, zvainetsa kuti ndiye kamba waakabvumirana naye here.

Asi akashaya kuti zvafamba sei, nokuti iye aiona sokuti noungwaru hwake, hapana anomukunda, asi gone ana gone wakewo.

Ndirwo rwendo rwafambwa namadzimai – kunge vanonanaira, asi zvavo zvichitofamba sokutaura kunoita dingindira regore rino.

Nhasi uno madzimai ave kuwanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana, vachishanda neshungu kuti kuve neshanduko yechokwadi – shanduko inoshandura kushandwa kwamabasa pasi rose zvokuti panosvika gore ra2030, mikana munzvimbo dzese kumabasa nokuzvikoro inenge yaenzana, zvavari kuti “Changing World of Work: Planet 50-50 by 2030.”

Izvi hazvirevi kuti zvinongoitika pasina kurwiswa kana bopoto. Munyika zhinji, kune mitemo gumi nefararira yokuti mikana pakati pavanhu vese ienzane, asi kutaura chete – miromo isingazarirwi nerwizi.

Muno muZimbabwe madzimai achiri kuita saana kamba, zvoita kunge zvisingafe zvakaitika kuti mikana pakati pavo navanhurume ishanduke, asika zvinonzi paduku paduku, tsaga reshuga rakapera retiisipunu.

MuHurumende, zvamatongerwo enyika, mabhizinesi, kurima, kutyaira ndege, mabhazi, kumatare emhosva, nemamwe mabasa vavemo, asi vari kufamba kunge vasingadi kumhanya, nokuti vanoziva kuti vakada kuita kunge vari kukwikwidzana navanhurume, zvotonzi, “Maiona Bhezhin’i (Beijing 1995) iya? Madzimai aye ave kutoda kutitonga! Ngavazive zvokutonga kudzimba kwavo.”

Saka pore pore yavari kuita vanoziva kuti nhanho imwe naimwe yavafamba yakakura, nokuti afamba anoziva kuti kune vanotevera mumashure vachinokora tsoka, votevedzera, kana kutovandudza zvavanenge vaita.

Saka mwedzi waKurume wakakosha nokuti havasi madzimai chete vari kupembedza zvavakwanisa kuita, nezvavanotarisira mune ramangwana, asi kuti vanotarisirawo kuti varume vagamuchire pfungwa yokuti munhukadzi anokwanisa kuita mabasa avari kuita, dzimwe nguva achitozvigona kupinda munhurume.

Kana madzimai achipembedza mabasa avanhurume, ko zvakaipei kuti varume vaone kuti zvinogonekwawo namadzimai?

Nyanduri Joseph Kumbirai anoti:

Musambonetsana mubasa renyu,

Kuti mukuru patiri ndiani

Nokupikisana zvenyu mubasa.

Pamuri mose makangoenzana

Munoumba imba makabatana;

Mumwe chidziro, mumwe ndiro denga.

Mukasiyana inotopazika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>