Magetsi avandudza Chipendeke Primary

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Magetsi avandudza Chipendeke Primary

Kwayedza

CHIKORO cheChipendeke Primary School icho chiri kwaZimunya, kwaMutare, chave chidadiso zvichitevera kuwaniswa kwachiri kuita mvura nemagetsi pasi pamabhindauko eChipendeke Micro Hydro Scheme.Mabhindauko aya ari kubatsira mukusimudzirwa kwedzidzo apo vana vave nemikana yekuverenga munguva dzemanheru, zvikuru avo vanenge vari kugadziridza kunyora bvunzo sevaya vari muGrade 7.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevakafanobata chigaro chemukuru wechikoro ichi, VaLaw Ganya, vanovazve senior teacher pachikoro apa, avo vari kupembedza chirongwa ichi.

“Ini kuuya kwandakaita pano ndainge ndanzwa kuti kune magetsi nekuti ndaiziva kuti zvinondirerutsira pabasa rangu. Magetsi akakosha nekuti anoita kuti vana vadzidzire pakajeka uye isuwo varairidzi tinokwanisa kurara tichironga basa redu remangwana pasina dambudziko.

“Pamusoro pazvo, vana vanodzidzawo kuti magetsi acho chii, anoshandiswa sei vachizvionera voga pane kuti vangozviverenga mumabhuku. Saka ndinoona zvichiunza shanduko nekubvisa mukaha uyo wakange uri pakati pevadzidzi vekumaruwa nevekumadhorobha.

“Vana vedu havachatyiswa nevekumadhorobha, vave kuziva zvose nekuti magetsi ndiwo bedzi anotisiyanisa. Ndiko kusaka muchinzwa paya panoenda magetsi vanhu vemukadhorobha vachiti, ‘Kumusha kwauya kuno’,” vanodaro Ganya.

VaGanya vanoti munguva yezvidzidzo vanotomboenda kumba kwavo kunotora terevhizheni vachiisira vana mafirimu anofambirana nezvidzidzo zvavanenge vachiita pazuva iroro.

“Ndakaona kuti kuburikidza nemafirimu, vana vanokasika kubata nekuti vanenge vachiona mifananidzo pachibuda zvakare mazwi izvo zvinoita kuti vakurumidze kubata. Kubvira kuuya kwakaita magetsi, takaona zvakare chikamu chekupasa chedu chichikwira. Muna 2012, pabvunzo dzeGrade 7 taive pa34%, 2013 tikaenda pa36%, 2014 tikaita 36,9% kuchizoti 2015 takaenda pa48%.”

VaLaw Ganya

VaLaw Ganya

VaGanya vanoti kuburikidza nemagetsi, zvimwe zvikoro zvekure zvinotoenda zvichibhadhara pakufotokopa magwaro edzidzo seebvunzo dzakanyorwa mumashure nezvimwe izvo zvinobatsira chikoro chavo kuita mari.

“Vadzidzisi vepano vari kuitawo mabhindauko ekuchengeta huku dzemazai vachitengesa nekuti bhizimusi rehuku rinoda magetsi. Hatina varairidzi vanongomirira peyi pano, tinoita mari zuva nezuva.

“Zvakare, huwandu hwevana huri kuwedzera nekuti vamwe vabereki vave kutobvisa vana vavo kumaguta vachizodzidza pano. Tave nevana 683 kubva pa300 vataive navo mugore ra2010. Kusati kwave nemagetsi, vadzidzisi vaitiza pano vachienda kune zvimwe zvikoro zvine magetsi,” vanodaro.

Mumwe murairidzi wepachikoro apa, VaBig Gova, vanoti senzira yekusimudzira kubudirira kwevana, chikoro chavo chakavimbisa kupa mubairo wemombe kune vanenge vabuda nemayunitsi anotangira pa4 kusvika pa9 pabvunzo dzeGrade 7 dzegore rino.

“Tichapa mubairo wemombe kuvana vachapasa zvinodadisa paGrade 7 uye tine zvimwe zvidzidzo zvatave kuita nekuda kwemagetsi sekusona nemakombiyuta,” vanodaro.

VaGova vanoti vanofara zvikuru nehuwandu hwevanasikana pachikoro chavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>