Makate anonokumbira George mari yechikoro

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 10 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinonyatsoona kudimikira kuchiteverana apo Kamukombe ari kuedza kudhonzera Musiyiwa kudivi kwake. Zviri kuitirwa Musiyiwa kubatwa nenzira isina kunaka kana kuti, “Uri kutemwa nyora nebhemba”. Zviri kuitwa naMusiyiwa izvi kufa achingoregera zvakadaro zvinomubatsira kana kuti “Uchafa nenyota makumbo ari mumvura” (45).

Kamukombe anopamhidzira nekunyengetedza kwake achishandisa enzaniso achiti ngaarege kuramba akaita zvekupusa, semurume akadairwa nemupfuhwira”.

Tinoonawo zvakare mukunyengetedza kunoita Kamukombe achishandisa tsumo kuratidza kuti anoziva kunyange zvake ari munhu wehwahwa. Kazhinji kacho munhu anenge achibudirira kana achishandisa simba revamwe vanhu. Saka achiti, “Mupfana unombozviziva here kuti panyika ino zvinonzi kakara kununa kudya kamwe?” (45).

Zvaataurirwa naKamukombe zvekuti tunherera tunonetsa nekuti hatunzwisise zvinoita kuti tione kuita kwevamwe vanhu, avo vanotadza kuona kuita kwemunhu anenge akanganisirwa. Hakuwanzi kuva mugwara kana munhu achinge atadzirwa kana kuti kana achinge afirwa, haakwanisi kufunga zvakanaka, hatifaniri kushusha munhu akadai. Saka apo anoudzwa nezvenherera naKamukombe achibva ayeuka tsumo yekuti, “. . . anochema haatariswe kumeso” (45).

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho)

Makate anotuma mwanakomana wake Peter kuna George nemudzimai wake kuti anokumbira mari yekunobhadhara kuchikoro sezvo svondo raitevera vanenge vasina kuripa vaizodzingwa. George anoti panguva iyi haana mari sezvo ainge achangobva mukugadzirisa motokari asi aigona kutaura nemukuru wechikoro kana ave nemari ozongoripira vose Peter naTendai mari inokwana kuita iyo madhora makumi matanhatu.

Achisvikotaurira vabereki vake kuti ndizvo zvaainge audzwa, vaviri ava vanotsamwa chaizvo, Makate ndokutanga kushoropodza George asi mudzimai wake anomuudza kuti zvaasina mari kudai izvi, haaonekwe semunhu.

Pava pakati pousiku, kunze kwachiti zi-i, Makate anonzwa mutsindo wemunhu aimhanya. Munhu uyu ndiBabaTichaona vainge vamhanyira kwaGeorge kunomukumbira kuti atakure mudzimai wemunin’ina wake ainge arwara nepamuviri nemotokari yake amuendese kuchipatara cheKaroi. Izvi ndizvo zvinobva zvangoitika vachiti kusvika kwavanoita pachipatara ndokutambirwa naanamukoti, mudzimai waRutendo uyu anobva abatsirwa nemwana mukomana. Baba vaTichaona vanoshaya kuti vangatenda sei George nekukasika kwaainge aita.

ONGORORO

Mutauro une uturu hukuru hwekunyomba mudzimai waGeorge unoonekwa uchienderera mberi nekushandiswa naMai Musekiwa. Izvi zvinoonekwa nekushandiswa kunoitwa mavara “z” na “r” mienzaniso ichidai: “Anoidya nezigadzi rake rakamupeta” “Iro robva ranyemwerera richitenderera-tenderera . . .” (47).

Izvi hazvingogumiri kune mudzimai waGeorge chete asi zvinonamatidzirawo naMai Musekiwa apo panenge pachishandiswa vara “k” rinoratidza kushora kukuru. Zvinonzi naMai Musekiwa, “Naiko kanherera kekwaMunjodzi kakazonanzviswa shuga aka, haiwa. Kanobva kasevenza siku nesikati kachiwedzera gumi pazana” (47).

Maitiro evanhu anonyatsoburitswa nemashandisirwo anoitwa enzaniso, dzimwe dzacho dzinoti kusetsa. Kusafara nekuita kwaGeorge nemudzimai wake kunonyatsoonekwa apo zvinonzi Makate ainge achifemuruka “segonzo” (46) nehasha nechekunowo mukadzi wake achienderera mberi nekunyomba mudzimai waGeorge achimuti madzimai ose eruwadzano aimuremekedza kwazvo “sokunge rinonaisa mvura” (47) munhu ndokuonekwa ava kunyemwerera achitenderera-tenderera “kunge tokwi” (47).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>