Makondirakiti emhando yeAntenuptial

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo —
MAKONDIRAKITI aya akamira sei uye ndivanani vakakodzera kuashandisa?

Zvii zvinoitwa kuti unge uchipibda mumakondirakiti emhando iyi? Iyi ndeimwe mibvunzo inenge ichida ruzivo rwakakwana. Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association rakanyorwa zvinyorwa zvadarika maringe nhau dzezvinetso zvinouya pakugovewa kwemidziyo yewanano muZimbabwe.

Izvi zvinoreva kuti kana midziyo ichinge yatengwa munguva yewanano mudikanwi anenge akanyoreswa muwanano iyoyo ndiye ane kodzero yekuwana migove yemidziyo iyi.

Anokwanisa kutengesa midziyo iyoyo pasina kubvunza mudikani wake.

Izvi ndizvo zvinotaura mutemo asi vaviri ava vanogona kusainirana kondirakiti yemhando yeAntenuptial iyo inodzivirira kuti nyaya dzemidziyo dzive nechekuita newanano yavo. Kondirakiti iyi inokwanisa kuitwa nevaviri avo vanenge vave pedyo nekupinda muwanano yeCivil Marriage pasi pemutemo weMarriage Act chapter 5:11.

1. Kondirakiti yeAntenuptial yakamira sei?

Mhando yekondirakiti iyi iri pasi pemutemo weAntenuptial Contracts Act chapter 5:01. Ichireva chibvumirano chinenge chapindwa nevanhu vaviri maringe nekuti midziyo yavachava nayo muwanano inenge iri yaani.

Somuenzaniso, midziyo inenge yatengwa nevaviri vari muwanano iyi inogoverwa zvakaenzana pakati pavo uye hapana ane masimba ekuitengesa pasina ruzivo rwemumwe. Vanopinda mumakondirakiti iyi vanofanira kunge vaine makore 18 zvichienda kumberi.

2. Sei tichida makondirakiti emhando iyi?

Mhando yekondirakiti iyi inobatsira vanhu kuti varonge maringe nemidziyo yavo uye yavanoda apo vanopinda muwanano. Izvi zvinobatsira kuti vasarudze kuti midziyo iyi ingagoverwa sei muwanano yavo. Muridzi wemidziyo ane kodzero yekuitengesa paanodira.

3. Zvii zvinoitwa kuti upinde mumakondirakiti aya?

Zvakakosha kuti mutsvage rubatsiro kumagweta kana kuti nyanzvi dzemutemo vanove vakanyoreswa zviri pamutemo kuti vakubatsirei mukupinda mukondirakiti iyi iri yechokwadi. Mushure mamazuva makumi masere ekunyoreswa kwemakondirakiti aya, panosainwa kondirakiti yeDeeds Registry inenge ine mamwe magwaro akafanana neiwayo asi akasainwa pamwe nekudhindwa kwaCommissioner of Oath zvichizoendeswa kuhofisi yaRegistrar of Deeds. Tinokurudzira zvakare vanhu kuti vange vachichengeta rimwe gwaro rezvinyorwa nerimwe rinochengetwa nemagweta.

Makondirakiti anenge asina kunyoreswa nenzira iyi haatorwi seechokwadi. Vaviri vakanyorerana makondirakiti vari kumba kwavo pasina ongororo inoitwa nemahofisi eDeeds Registry haatorwi seechokwadi asi anokwanisa kuzonzverwa pachibviswa muripo.

Kupinda mumakondirakiti emhando iyi kwakakosha sezvo kuchibatsira kuti vanhu vakwanise kuchengetedza mari yavo uye zvinobatsira kuti vaviri vari muwanano vange vachichengetedza midziyo yavo pamwe chete.

Makasununguka kutumira mhinduro dzenyu kana mibvunzo padandemutande rinoti [email protected] kana kuridza nhare panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 ne0776 736 873 uye panhamba yeToll free zvakare inoti 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>