Mamwe mabikirwo emachipisi

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Mamwe mabikirwo emachipisi

Kwayedza

MACHIPISI kudya kunofarirwa neveruzhinji, zvikuru apo vanenge vari parwendo kana kuti vachitandara mudzimba nekumabasa. Kana akabikwa zvine hunyanzvi, unogona kudya machipisi zvekutozvimbirwa apo wakarivara.

Svondo rino Colleta Munatsi wekuChivhu anotsanangura mabikirwo emachipisi.

Zvinodiwa:

Mbatatisi, banga, munyu, mafuta, tomato sauce nemasipaisi.

Mabikiro:

Geza mbatatisi wodzifeta rukanda rwekunze.

Cheka-cheka uchiita zvidimbu zvaunoda.

Geza mbatatisi dzawacheka nemvura yakachena.

Chiisa musefa yakachena, woisa muhovhoni inopisa ine mafuta akati wandei.

Siya zvirimo kwemaminitsi makumi matatu.

Kana machipisi aibva, anoonekwa nekutsvukira kana kuita ruvara serwegoridhe.

Pakubura, ita kuti mafuta ose asare mupoto kana hovhoni yawabikira. Usaregedze machipisi achiibvisisa kuita bota kana kusvika pakuzotsva.

Chibura uise munyu, vhiniga, tomato sauce kana masipaisi.

Machipisi anodyiwa nenyama seyemombe, yehuku kana hove. Unogona kuadya uchidzikisira nezvinwiwa zvaunoda.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti 0713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>