Manyorero akanaka

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
IYE zvino chiringazuva chedu chatsvuka chava kukwata. Izvi zvinodudza zvirokwazvo kuti nguva dziya dzapera. Kune vaya vasina kuzvipa nguva yakakwana yekugadzirira vave kuzosangana nematambudziko makukutu apo vanenge vonyora bvunzo ravo iro richavarumura kubva muupenyu hwedzidzo yepasi vachinotora yepamusoro.

Iri bvunzo ndiro rinovaka remangwana nekuti ndiro rinonongedzera kuchikoro chepamusoro kuchaendwa kubudikidza negoho raunenge watakura.

Gore rino rakasiyana nemamwe makore akapfuura nekuti kuri kunyorwa mapepa mashanu nekuda kwepepa rezvekurima nezvezvipfuyo (agriculture). Izvi zvinoreva kuti mutoro wavakuti remei nekudaro kwava kudiwa hamburamakaka dzinokakata chero pamukwidza wakarema sei.

Ndinoda tishandise mukana uno kuti tiite gadziriro yakanaka kubudikidza nekugona kunyora kwakanaka.

Vana vazhinji vanosvika pakukundikana kukohwa pakuru nekuda kwekusatevedzera mitemo chaiyo inofanira kutevedzerwa pakunyora ndima dzavo.

Mitemo yekunyora inobata zvakawanda kusanganisira shongedzo kana kuti pfekedzo (punctuation), patsanuro nebatanidzo yemazwi, kouya kushandiswa kwamavara makuru.

Regai titange nemashandisirwo emavara makuru (capital letters).

Tinoshandisa vara guru pakati wandei muzvinyorwa zvedu.

Tinoshandisa vara guru pese pantinotanga kunyora chirevo chitvsa. Vara guru rinodiwa zvakare pakunyora mazita. Ringava zita remunhu kana zita renzvimbo kana nyika sekuti, Rutendo, Zimbabwe, Charuveki kana Zambezi.

Zvinoreva izvo kuti kana munyori akashandisa mavara madiki panzvimbo dzandataura anodonhedza zvibodzwa kana vakwenyi voita basa ravo. Mavara makuru anoshandiswa zvakare paya panonyorwa mazwi chaiwo anyakutaura ndokunge tichiisa nyora dzinoratidza mazwi chaiwo anyakutaura (direct speech).

Tinofanirwa kuziva zvakare kuti pese patinonyora zvinhu sekunge munhu tinofanirwa kushandisa varaguru sekuti; Vana Tsuro naGudo vaigadzira musha wavo. Vara guru rinoshandiswa zvakare pose patinonyora chivakashure chokuremekedza sokuti, “VaDanga kana kuti Sahomwe.

Chimwe chakakosha kuziva kuti vara guru rinoshandiswa zvakare pose panonyorwa mazita aMwari sokuti Nyadenga. Samasimba kana Samatenga.

Kana tave nyanzvi dzekushandisa mavara makuru panokodzera, tochiongorora zvine chekuita nepfekedzo (punctuation). Kana tatanga chirevo nevara guru tinofanirwa kuratidza kuti chakwana chirevo ichocho nekuisa chidonhwe kana kuti chindaguma. Chindaguma ndiyo (full stop).

Imwe pfekedzo yakakosha muzvinyorwa zvedu ipfekedzo yechifemo (comma).

Chifemo chinoshandiswa pakawanda uye pakasiyana-siyana. Chifemo chinodiwa pakupatsanura panotaurwa zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Hatigoni kuti, “Chipo akatenga chingwa mukaka tsvigiri nemasamba” tisina kushandisa chifemo kupatsanura zvinhu zvakatengwa naChipo. Kunyora kwakanaka kunoti, “Chipo akatenga chingwa, mukaka, tsvigiri nemasamba.”

Chifemo chinoshanda zvakare pose panonyorwa taridzamutauri sekudai. Nokutenda wakati, “Ko nhai baba, mandivigira chii?” Pesewo panobatanidzwa pfungwa panotoda chifemo kuti zviendeke sekuti, Achingopedza kudya, akabva ati tsvimbo dzake nonge akananga mugwindingwi.

Chifemo hachigumi ipapo pega asi kuti chinotandavara kusvika pakunobata paya panoda kubatanidzwa zvidimbu zvezvirevo (clauses).

Tingatora muenzaniso wekuti, Muroora waVaKunaka, uyo anobva Goromonzi, akabatsirwa nemapatya.

Pokupedzisira panopinda chifemo ndepaya panoda kutaridzwa mazwi etsanangudzo sezvizvi, Chimbobata nepapa muzukuru, ndipo pandambowanawo muzuva ranhasi.

Nyaya yepfekedzo inoenderera mberi apo tichabata chibvunzo, chikuwo, zvitaridzamutauri nezvidonhwe muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links