Mari yasunga zvinhu…Vana vakanonotswa kudzokera kuchikoro

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mari yasunga zvinhu…Vana vakanonotswa kudzokera kuchikoro Vana vezvikoro zvemabhodhingi nevabereki vavo vari pamabhanga vachida kubhadhara mari dzechikoro nemusi weChipiri svondo rino.— Mufananidzo: John Manzongo

Kwayedza

Vana vezvikoro zvemabhodhingi nevabereki vavo vari pamabhanga vachida kubhadhara mari dzechikoro nemusi weChipiri svondo rino.— Mufananidzo: John Manzongo

Vana vezvikoro zvemabhodhingi nevabereki vavo vari pamabhanga vachida kubhadhara mari dzechikoro nemusi weChipiri svondo rino.— Mufananidzo: John Manzongo

ZVIKORO zvakavhurwa neChipiri svondo rino panguva iyo vabereki vari kunetseka kuwana mari yekubhadhara fizi nekuda kwekushomeka kwayakaita munyika.

Kwayedza yakaita ongororo kumamwe mabhanga ari muHarare ndokuona vamwe vana vekumabhodhingi vaine vabereki vavo pamwe nemitundu vari pamitsetse yakareba apo vaida kubhadhara mari dzechikoro.

“Ini ndinodzidza kuGoromonzi High uko tinobhadhara $550 patemu. Vabereki vangu vari mubhanga mavari kuda kutora mari, mune mutsetse wakakurisa uye mari yacho iri kupihwa shoma-shoma.

“Hameno ndikadzokera kuchikoro nhasi asi ndatobva kumba nemabhegi nemabhuku angu. Zvinorwadza kuti ndicharasikirwa nezuva rekutanga rekuchikoro nekuda kwedambudziko remari,” anodaro Munashe Sachikonye (14) uyo ari muForm 1.

Mai Angela Chikore (39) vekuEpworth vanoti mwana wavo ari kuita Grade 1, mari iri kuvanetsa nekuti anoda kubhadharirwa fizi pamwe nekutenga zvekudya.

“Zvinhu zvinotinetsa kuti mari iri kunzi haimo mumabhanga asi tisingatsanangurirwe kuti yakaenda kupi. Tave kutorasa tariro nemabhanga. Mwana wangu ari kuita Grade 1 paMakomo Primary School, kuEpworth, asi anodaka mari yechikoro, kudya, mayunifomu uye tine vashandi vanoda kubhadharwa nenguva,” vanodaro.

Aubrey Moyo (14) wekuChindunduma High, kuMt Darwin, anoti vanobhadhara $444 patemu nekudaro kana vabereki vachinzi vatore $200 mubhanga, zvinoreva kuti vanotoda mazuva matatu kuti mari iyi ikwane.

“Vabereki vangu vari mubhanga iri asi nekuda kwekuti makazara vanhu, ndinogona kutozosvika kuchikoro husiku,” anodaro.

Rufaro Machinga (15) wekuSt Dominic, kuChishawasha, uko ari kuita Form 3 anotiwo kunetsa kwemari kuchakanganisa dzidzo yavo.

“Nomusi weMuvhuro yaive Workers Day uye mabhanga akange akavharwa zvakare maATM asingaburitse mari. Ndokusaka nhasi vabereki vaita chipata-pata kuuya kumabhanga nesu vana takatakura mabhegi edu kuitira kuti kana vachinge vaiwana topfuurira kuenda kuchikoro. Asi kana vakaishaya kunenge kwave kutodzokera kumba,” anodaro.

Kwayedza payakamema mabhanga mazhinji emuguta guru iri, aipa $200 pamunhu pazuva asi mamwe aipa $500 zvichienda mberi.

Vamwe vabereki ndivo vainyunyuta vachiti kupihwa mari shoma-shoma kunovadhurira sezvo vemabhanga vachichaja mari dzepamusoro pakutora mari pachikamu chimwe nechimwe.

Share This:

Sponsored Links