Maticha odzidza New Curriculum

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

— 70 000 vakatopedza: Dokora

Nqobile Tshili —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari Dr Lazarus Dokora vanoti varairidzi vanodarika 70 000 vakavandudzwa ruzivo rwavo rwebasa nechinangwa chekuzadzikisa zvinodiwa pasi pechirongwa cheNew Curriculum.

Vachitaura nguva pfupi yadarika, Dr Dokora vanoti chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevadzidzisi ichi chakauya zvichitevera matambudziko ari kusanganikwa nawo pakudzidzwa kweNew Curriculum muzvikoro.

Vanoti Hurumende yakaona zvakareruka kuti ivandudze ruzivo rwevarairidzi ava pane kuti itange kudzidzisa vamwe patsva.

“Kana tikada kumirira varairidzi kuti vange vachiwaniswa zvitupa kumakoreji ezvidzidzo zvakadai seHeritage Studies anenge ari rinhi iyeye? Tinoda kushanda nevarairidzi vagara vari mumabasa avo. Varairidzi vagara vachishanda vane ruzivo nechekare nokudaro chavanongoda bedzi kuitiswa zvidzidzo zvinoita kuti vafambirane nenguva.

“Pari zvino takavandudza ruzivo rwevarairidzi vanodarika 70 000 muzvidzidzo zvakadai seVisual and Performing Arts neInformation Communication Technologies (ICTs),” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti Hurumende yakazvipira kutsigira chirongwa cheNew Curriculum uye gore rinotevera vachaona kuti bazi ravo rawaniswa mari yakawanda yekushandisa muzvirongwa zvavo.

Kutanga kwegore rino, Hurumende yakapa $9 miriyoni kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari yekushandisa mukufambiswa kwechirongwa cheNew Curriculum.

“Chirongwa ichi chakakwanisa kushandisa $9 miriyoni uye gore rinouya tiri kutarisira imwe bhajeti yakakura yekufambisa New Curriculum. Hatikwanisi kutaura kuti tingada marii panguva ino saka tichaona maringe nezvatinoda kuzoshandisa kuti pangadiwa marii,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti vacharamba vachitsigira varairidzi zvisinei nekuti vanoziva kuti huwandu hwavo huchakaderera nekuda kwekushomeka kwemari.

“Tinoda varairidzi vakawanda asi dambudziko riripo nderemari nokudaro tiri kushanda zvinoenderana nehomwe yedu. Mumwedzi waGunyana wadarika, takati tinoda varairidzi 7 000 uye 2 300 vakabva vapinzwa basa. Ndichine chikumbiro chikuru chekutarisira kuwedzera vamwe varairidzi 4 700 avo vari kuperevedza. Asi nhau yemari ndiyo inotidzorera kumashure,” vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links