Maticha tinemi: Mavima…Tinonzwisisa nhuna dzenyu’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Maticha tinemi: Mavima…Tinonzwisisa nhuna dzenyu’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti vane tarisiro yekuti matambudziko kana kuti zvichemo zvevarairidzi zvinge zvichitariswa senzira yekusimudzira mashandiro avo.

Muhurukuro neKwayedza, Prof Mavima vanoti chishuwo chebazi ravo kuti nhuna dzakasiyana dzakatarisana nevararidzi dzinge dzichigadziriswa kuitira kuti vaite basa ravo vakasununguka.

“Varairidzi – vangava vekumaruwa kana vemumaguta – tinoda kuti vose vave neraramo yakanaka. Tine shuviro yekuti varairidzi vange vachifundisa vana vasina kushushikana mupfungwa nekuda kwematambudziko akaita semari dzavanotambira.

“Saka tichaedza kuti tikurukure nevebazi rinoona nezvemari dzinotambirwa nevashandi veHurumende kuti vatarisewo nhuna dzematicha. Maticha anozopedzisira ava kufamba vachitengesa pane kuti vapedzere nguva zhinji muchikoro,” vanodaro. Vanoti zvivakwa zvinosanganisira dzimba dzematicha uye zvikoro zvavanoshandira zvinofanira kusimudzirwa kuti vasevenze zvakanaka.

“Tichiri kusangana nedambudziko rezvimwe zvikoro zvinenge zvakavakwa nemapango, zvinopinda mvura, zvisina magetsi kana mvura yemupombi yakachena. Mugore ra2018 tinoda kuti zvikoro zvakawanda zvivakwe uye zviine indaneti nemagetsi kuitira kuti varairidzi vakwanise kufambisa chirongwa cheNew Curriculum,” vanodaro.

Prof Mavima vanokurudzirawo vabereki kuti vatsigire vana vavo mukufambiswa kwechirongwa ichi muzvikoro.

“MuNew Curriculum mune mamwe mabasa anofanira kunge achiitwa nevana apo vanenge vachiita ongororo dzezvinhu zvakasiyana, zvikuru mumaindasitiri atinoti matasks.

‘‘Hurumende haingazvigoni zvose iri yoga nokudaro kuti dzidzo ifambire mberi zvakanaka, tinokumbirawo vabereki kuti vabatsire vana vavo nezvekushandisa zvakaita semakombiyuta nemari dzekufambisa.” Prof Mavima vanoti chirongwa cheNew Curriculum chiri kuenderera mberi sezvo chichibatsira mukusimudzira dzidzo.

“Ticharamba tichifambisa chirongwa ichi kuti vana vedu vave nedzidzo yakanaka inovapa mabasa mune ramangwana,” vanodaro.

Vachitaura pamusoro pemagwaro (petition) ayo akaendeswa kumahofisi avo nemamwe masangano anomiririra kodzero dzevana aitungamirirwa nesangano reTag A Life International apo akanga achiti vana vose vari kuita dzidzo yepuraimari vanofanirwa kuiwana pachena – zvikuru vanotambura – Prof Mavima vanoti Hurumende yagara iine zvirongwa zvinobatsira vana vanoshaya kuti vawane dzidzo.

“Tine zvirongwa zveBasic Education Assistance Module (BEAM) neEducation Development Fund (EDF) nekuti tinokoshesa dzidzo yemwana wose.

‘‘Ndiko kusaka kuine mutemo unoti mubereki wose anoshaisa mwana dzidzo anosungwa. Zvizhinji zviri mumagwaro aya, Hurumende iri kuzviita saka tichagara pasi nemasangano aya kuti tione kuti nyaya yavo iri papi,” vanodaro. Zvisinei, vanoti havaoni nharembozha dzakakodzera muzvikoro sezvo dzichikanganisa dzidzo asi maTablet ayo anobatsira vana mukuita ongororo dzavo.

Share This:

Sponsored Links