Mazita nezvaanoreva

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
BVUNZO zvarakadai kunyorwa hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo. Kune zvakawanda zvatinofanirwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vedu makarekare.

Matunhu aiva namatongerwo awo aaitwa zvokuti madzishe kana madzimambo vaive nenzira yavo yekuti vape mitongo kana vanhu vachinge vatadzirana. Mumaruwa maisagarwa muchechetere nguva dzose. Zvakawanda zvaigona kuti vanhu vatadze kuwirirana mumatunhu. Vanhu vaigona kutosvorana nenyaya yemiganhu yeminda, vamwe vaipumhana huroyi kozotiwo vamwe vaizvondana nekuda kwekusiyana kweupfumi.

Zvino zvaiti kana zvadai hapachina kuwirirana asi kuti vanhu vaigara vakafutirana vachikurungwa mumwoyo neshungu. Shungu idzi vaidziburitsa kana pazvarwa mwana kana imbwa apo vaizotumidza mazita akanangana nebope rinenge riripo.

Kana vanhu vakanetsana nenyaya yehuroyi ndipo paunonzwa mwana achitumidzwa kuti Matipedza, Matinyanya kana kuti Pedzai. Vanhu vanenge vachiedza kuti bundu riri mumoyo rinyevenuke nekuti pese pachadanwa zita iroro vanenge vachituka vaya vavakanetsana navo.

Hazvigumiri ipapapo nekuti vaya vanobva vaziva kuti vanyombwa kubudikidza nezita riri kudaidzwa nekudaro vakaitawo wavo mwana vanobva vadzorera chitsveru chiya nekutumidzawo zita rinotuka zvakare. Vanobva vadzorerawo vachitumidza mwana kuti Mugondidini, Munondin’yei kana kuti Matimadii.

Kana iri imbwa inobva yanzi Muroyindishe kana kuti Tozvariremi. Dzimwewo dzinongonzi vana Zvakwidza kana kuti Zvamuriimi. Ipapo shungu dzemunhu dzinobva dzatunhidzwa kunyanya panohukura imbwa iyoyo nekuti anobva adama zita iroro zvine mutsindo.

Ukanzwa paya panodanwa mazita akaita sana Sasanai kana kuti Tozivepi wobva watoziva kuti hapana chakanaka ipapo. Dzimwe nyaya dzinonetsa zvekusvika nekumombe chaidzo nekuti paya panotumidzwa mombe kuti Manzuma kana kuti Charuveki panenge pakanaka. Unogona kunzwa mombe ichinzi Wegejo kana kuti Abhigero kuri kutsvaga kutokonya mai vavakavakidzana navo vanonziwo Abigail.

Nhaurwa yemazita haingoshanda pakutukana kana kutsiurana chete asi kuti inogona zvakare kubatsira pakutunhidza nekurumbidza mabasa akanaka anenge aitika. Zvakafanana nekuti kana pakazvarwa mwana, kunyanya mazuva ano vanhu vanoda kurumbidza netumidza zita rinotunhidza samatenga sokuti Ruvarashe, Mukudzeishe, Anotidaishe kana Makatendeka.

Vamwewo ndivo vanotumidza nekuti zvido zvavo zvazadziswa nokudaro panobuda mazita akaita sana Tanatswa, Rutendo, Takomborerwa kana Tafadzwa. Mamwewo mazita anobuda nekuti kwaitika chinhu chakaoma chinobata upenyu hwavanhu sekufirwa. Pakazvarwa mwana mushure mekunge vabereki vashaya anonzi Masiiwa kana kuti Munzvengwa.

Dzimwe nguva vanhu vanogona kunetseka chaizvo nekuda kiuta mwana mushure mekuroorana zvekuti vanotsvara kwese kwese mukuedza kuita mwana iyeye zvekuti paanozouya vanomutumidza kuti Mutsvariwa.

Pane dzimwe nguva dzekuti vanhu vanoita twutsika twavanenge vava kutozivikanwa natwo nekudaro vanhu vanova nemera mazita. Vamwe vanhu vanokara zvokudya zvekuti rinosara romonwa ivo vatopfunya chisero kare. Ndivo vaya vanotumidzwa kunzi vanaMushambarichakwata.

Vamwe vane mbiri yekurova mupeta zvinoshamisa zvekuti vanoswera vachingotevedzana nadzo ndari mumaruwa. Pandari pavanoenda ipapo havabvi kana doro riya risina kupera. Vanobva vapiwa zita rekuti Musiyadzasukwa. VanaChinzvengamutsvairo ndivo vaye vasingaendewo kumabasa kana kunotamba nevamwe vanoswera vachingodzengerera pamba vachitadzisa vanhu kutsvaira dzimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>