Mazwi anoreva zvakafanana

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MUKUEDZA kubhedhenura gumbeze redu rechiShona kuti ribate uriri hwese, tinofanira kubatawo mazwi anoreva zvakafanana kuti tisazowanikwa tichikundikana apo tinotaurirwa mamwe mazwi atisingawanzoshandisa. Tichaedza kubata ndimi dzine mukurumbira muno munyika yedu.

Tinoziva kuti izwi rekuti kuneta rinonyanyoshandiswa kumaZezuru asi ukazoenda kumaKaranga vanenge voti kunyara.

Ndiro vende ratiri kuda kuedza kubatanidza kuti kana tose totaura tigobatana pamwe chete.

Kune vanhu vanoti kana varara vakotsira havagoni kurara panzvimbo imwe asi kuti vanongoumburuka vachibva pavanofanirwa kunge vari. Vachinge vakarara pamubhedha vanogona kutodonha. Vanhu ivavo vanonzi vane mavato kana kuti mararo asi kune mawe mativi enyika vanonzi vane mapfundo.

Shamwari yako yepamoyo unogona kuidaidza kuti sahwira kana kuti vaganda. Munhu ane usimbe anonzi nyope kana kuti shomvu.

Tinoziva kuti shanje zvinoreva godo kana kuti rukodo asiwo vamwe vanoti tima vachireva shanje.

Shuku izhanje remusango asi izwi rokuti shuku rinogona kusareva muchero wemusango asi kuti dambudziko rekushaya chekupfeka.

Hari yatinobikira sadza inonzi tsambakodzi kana kuti tsaiya kotiwo vamwe vanoidaidza kuti mukate kana kuti mhendekari. Zviyo ndirwo rukweza kana kuti njera. Kune mamwe matunhu vanodaidza zviyo kuti mungoza.

Muriwo uya watinofarira chaizvo munguva yeZhizha unonzi nyevhe kana kuti nyovhi.

Vamwewo vanoudaidza kuti rudhe, bangara kana kuti runi. Kana tichibika sadza kana muriwo pamoto wehuni tinogadzika mapfihwa ayo anogona kunge ari ematombo achibatsira kutsigira hari. Mapfihwa iwaya anonzi dego.

Kana achiri mangwanani uswa hunenge hwakanyorova nedova.

Dova rinonzi zvakare veta. Nyaya dzinosetsa chaizvo dzinonzi ny’ambo kana kuti madu.

Kune vanhu vanoda zvokudya zvakapfuura mwero. Ndivo vaya vanonzi vane nhafu kana madyo. Vanonzizve vane makaro kana mukaha.

Nhenjana mwana wemombe achangoberekwa. Nhenjana iyoyo inodaidzwa kunzi munava.

Kune vamwe vedu vanoti kana vakarara vanodhuruma samabhazi ari kukwidza mukata. Kudhuruma ikoko kunonzi kuridza ngonono kana kuita magwiriri.

Vavhimi kana vachipinda mumasango kunoshava vanotakura mhando nemhando dzetsvimbo. Kune imwe tsvimbo inoshandiswa kurova makwenzi ine musoro wakatenderera inonzi ndonga.

Mamwe matunhu anoidaidza kuti nduni kana kuti ndowa.

Mhuka inonzi mvuu ndiyo inodaidzwa kuti ngwindi.

Vanhu vasingadi zveutsvina vanogara vakashambidzika vanonzi vane utsanana kana kuti undere.

Tsono yatinosonesa zviremo kana zvigamba pakabvaruka inodaidzwa zvakare kuti nariti. Mukurumbira zvinoreva mbiri, gurumbira, mbirikiro kana kuti guhu.

Nguruvewo inonzi hochi kana kuti humba. Mamwe matunhu inonzi fondo. Mhashu ndidzo hwiza kana kuti ndongwe.

Mwanasikana akabika sadza mbodza tinoti abika mbwizhu kana kuti bure. Vana vadiki vanoda kutamba vachibika mahumbwe pavanotevedzera vakuru.

Mahumbwe anonzi matakanana kana kuti matumba. Anodaidzwa zvakare kunzi mamhuza kana kuti mabindikito.

Mahwekwe ndiwo masanga kana kuti mambunga. Mahwekwe anonzi zvakare magurwa.

Share This:

Sponsored Links