Mhuka isingazive toilet kana tishu

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NHAI ndimbokubvunzawo. Iwe umbori waani chaizvo? Handisi kureva vabereki vako vakakuzvara vakakurera, asi ndinobvunza kuti anotonga, kana kuti chinotungamirira, kana kuti chakabata hupenyu hwako chii?

Chii chinozivikanwa nevanhu kuti chakakuita muranda wacho zvekuti vanhu vanokuziva nekuda kwechinhu ichocho?

Ndiri kubvunza kuti ndeipi yako? Ndeipi yako imbwa inokutevera kana nepamwe paunoti dai yambondisiya ndiri ndega?

Ndinadzo hama dzangu dzandinogona kukuudza ndisina kumbonetseka kuti, mukoma wangu Joramu ndewedoro. Anoridisisa zvekuti kana akarara anoshaya hope nekurifunga.

Anenge achinzwa chimbo chehondo yedoro chichiimbwa mumusoro make. Chimbo chinoti: “Doro, ndiri kushuwa kukuona. Doro ndiri kuda kukubata. Ndiri kuda kukunhuhwidza. Ndiri kuda kukuvhura. Ndigokunanzva ndichidedera. Ndiri kuda kukuteerera uchikwenya rurimi rwangu, uchisekenyedza matadza angu, uchimitisa pfungwa dzangu. Doro. Hwahwa. Njera. Musungwa. Ndiri kuda kukunwa serwizi runonwa mvura yanaya. Ndiri kuda kuguta newe kusvika tsinga dzangu dzatushuka, dzaita mafashamu anotakura zvese zvakandikomberedza achindisekenyedza.”

Handizive chinokushaisa hope, asi ndinaye mwanasikana akadiwa naJoe. Kwaari kurarama kwakabva kwaita Joe. Kurara, aingorota Joe, kumuka achitsvaga Joe. Hurukuro dzake dzichingori Joe chino, Joe icho. Akaramba ongojobora vamwe nezvaJoe.

Hapana chamaitaura naye nezvaJoe chakaipa. Kutsinzinya kwaimunetsa pakunamata, asi kana otaura zita raJoe, maziso ake aivharika sepeji yekupedzisira yebhuku, obva ataura zita remudiwa wake zvekuti kana iye Joe haana kumbobvira ataura zita rake zvinoyera nekuyerera huchi saizvozvo. Neniwo ndave kutya kuita muranda munyika muno. Ndave kutya kuita muranda wezvinhu zvakawanda zvandiri kuona kuti zviri kuda hupenyu hwangu kuti huve hupenyu hwazvo. Kwandiri nguva yakakosha kwazvo, uye mashandisiro andinoita nguva yangu anonditambudza kana ndichinge ndave kunorara.

Pane pandinoona kuti ndatambisa nguva yangu ndichitamba dhirafuti muswere wese wezuva — ndichingoshevedzera kuti, “Sunga hwani, sunga dhazeni. Bhobho!” Asi panguva yandiri kudaro tsoro haisakure munda. Kuvaraidza nguva? Unoda kuvaraidza kuti nguva iri kuchema here?

Ini handidi kuti mugonditi ndiri wekubasa kwandinoshanda, nyangwe zvangu ndichishanda nesimba rangu rese nemwoyo wangu wese. Handisi munhu wekambani nekuti ukapinda basa, chasara kubuda.

Handisi munhu weDeMbare. Kutoita nharo dzekupedzisira ndarwa nekuda kwetimu yebhora yandisingazive kuti nezuro vatambi vayo vakanga vachinwei kuti vagokwanisa kunwisa.

Handidi kuve munhu wemari iri mubhegi kana mubhengi mangu. Handidi kuverengwa mumapepanhau ndichipihwa mazita emadunhurirwa ekundipembedza asi nyika ichindimedza.

Ndine mota dzakawanda, asi handifambe mumba nemota. Ndine dzimba dzakawanda, asi handigare kana kurara madziri dzese panguva imwe chete. Handidi kutongwa nenyama yangu nekuti ndinozviziva kuti inoora. Handidi kutongwa nebonde nekuti kurishaya hakusi kufa, asi kushaya Jesu kufa.

Nyama inokuvara, asi mweya haukuvare. Nyama inokamhina, inozvimba, inotyoka, inodambuka, inobviswa dzimwe nhengo ukasara uchirarama usisina ziso, usisina gumbo, zamu, chigunwe, ruoko nezvimwewo.

Izvozvo imharidzo yekuti nyama inofa, asi mweya haufe. Ndinogona kurarama, asi ini ndatapudzwa nekuti mweya waMwari uri mandiri hautapudzike.

Saka iye Mwari anopa hupenyu nekuti akaisa mweya wake matiri, ndiye wandinoda kuti atonge mandiri.

Handidi kutongwa nesimba nechinzvimbo, hembe kana kudzidza nekuti Mambo Nebhukadhineza vakati vachizviverenga pamamonya, Mwari akavaita mhuka isingazive toilet kana tishu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>