Mitemo yekuchengetedzwa kwevana

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KODZERO dzevana dzinotariswa mubumbiro idzva remutemo. Munyaya dzose dziri pamusoro pezvevana mutemo uyu unotariswa kuti unge uchivachengetedza. Izvi zvinoonekwa munyaya dzakadai sedzemendenenzi, kutsvaga vana vekuchengeta vasiri vako (adoption), kuona kuti ndiyani ane kodzero yekuchengeta vana (custody), kurerwa kwevana nezvimwe.

Mutemo uyu unotariswa pasi rose kuburikidza nechisungo cheUnited Nations Convention on the Rights of the Child.

MuZimbabwe kana vabereki vachinge varambana kuchengetwa kwevana kunotariswa nemutemo weGuardianship of Minors Act uyo uri pasi peCommon Law.

Mutemo uyu hautsanangudzi kuti munhu ave iye ega anenge aine mwana kana kuti vana asi kuti machengeterwo akanaka evana nemubereki kana muchengeti anenge aine vana.

Munhu anenge achichengeta mwana ndiye anoona zvese zveupenyu hwake zvinobvira padzidzo, kumufundisa mabasa eupenyu, zvitendero nezvimwe.

Apo vabereki vanenge vari kugara vose nyaya dzekuve nemubvunzo wekuti achachengeta vana ndiyani hadziwanikwe. Zvisinei, mutemo wakaumbiridza chimwe chinhu chinodaidzwa pachiRungu kuti sole custody apo amai bedzi vachiwaniswa mukana wekuchengeta vana pavanorambana nababa kunze kwekuti dare richinge raita sarudzo richitarisa zvinhu zvinenge zvakanakira mwana.

Izvi zvakakosha kuvanhu vanenge vakaroorana zviri pamutemo. Pamutemo, kana mwana achinge akazvarwa kunze kwewanano inocherechedzwa nemutemo baba havana kodzero yekutora mwana iyeye vachimuchengeta asi kuti amai vake ndivo vane kodzero iyi.

Zvisinei, zvakanakira mwana hazvina kunyatsotsanangurwa nemutemo asi zvinogona kutsanangurwa sezvinotevera zvakadai sedzidzo, utano, kugarisika kwakanaka nezvimwe zvinogona kunge zvisiri izvo zvega zvakamunakira nekuti mwana anoda nharaunda yakanaka inoita kuti ange achikura zvakanaka nekuita budiriro yake yakakodzera yeupenyu.

Mumatare edzimhosva, vamwe vabereki vanonzi vange vachibhadhara mari dzemendenenzi asi kumwana zvinogona zvisiri zvinhu bedzi zvinodiwa nemwana asi kuti mwana anenge achitodawo rudo nekuonekwa nevabereki vake pachinzvimbo chekukoshesa nhau dzemari.

Pasati pave nemutemo webumbiro idzva, kodzero dzevana dzakange dzisirimo mubumbiro rekare. Bumbiro idzva remutemo pasi pechikamu 81 (3) rinoti zvakakoshera mwana zvinofanira kunge zviri zvinhu zvakakoshera ivo vana pachavo uye zvinoremekedzwa mune chose chekuita nevana. Kureva kuti zvinhu zvavanoda zvakakosha muupenyu sekuchengetwa kwakanaka kwavo.

Nyaya dzevana vakazvarwa kunze kwewanano dzimwe dzacho dzakatopinda mudare redzimhosva reConstitutional Court apo kusachengetwa kwevana vemhando iyi kuri kutorwa sekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo. Zvangosarira kuti pange pachionekwa kuti dare reConsitutional Court richazadzikisa here zvido zvevana, kunyanya mumatare edzimhosva pasi pechikamu chemutemo cheSection 19 ne81.

Zvinyorwa izvi zvakabva kunaFourie Revai.

Makasununguka kubvunza zvamunoda kuziva kuburikidza nekushandisa dandemutande rinoti: @[email protected] <mailto:[email protected]> kana kutumira paWhatsApp panhamba dzinoti 0777 828 201.

  • Panyaya dzemhirizhonga nekuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nemadzimai makasununguka kuti chaira panhamba idzi pane ipi zvayo nguva toll free number 08080131: hotlines 0776 736 873/ 0782 900 900.

Share This:

Sponsored Links