— Mudzidzisi rairai —

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
— Mudzidzisi rairai —

Kwayedza

MWEDZI YEGORE
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaDewe Primary School, kuGokwe North. Vana vangadzidza sei mwedzi yegore muchiShona? Ngatikurudzirei kugadzirwa kwemakarenda ane mwedzi muchiShona.

Pane tsananguro zhinji maringe nemazita emwedzi yegore. Heinoyi imwe yacho:
NDIRA: Makare-kare mumwedzi uyu kwaionekwa zvipukanana zvitema zvakati farara pose-pose. Zvipukanana izvi zvainzi zviNdira. Ndosaka wakazonzi mwedzi waNdira. KUKADZI: Mumwedzi uyu mapudzi aitanga kuwa. Vakadzi vaionekwa voshinashina vachitevedza minda vachitanha nokubika vachidya. Nokuda kwokushereketa uku, mwedzi uyu Wakanzi Kukadzi.

KURUME: Mwedzi uyu varume ndivo vaishereketa. Muminda mavise nepwa zvinenge zvati mbwee, shasha dzoswerera kudya, kumba sadza harina achadya.

KUBVUMBI: Makare-kare pasi pacharohwa nenyundo, mumwedzi uyu mvura yaisakasira kukasa, kubva na6 rungwanani kusvika na6 manheru. Mvura iyi inonzi mubvumbi.

BANDWE: Panguva iyi Zhizha rinenge rokuva, vanhu vokanga chibage chakaoma (mhandire). Nokuoma kwacho vanoita zvokubandura. Ndopakabva zita rokuti Bandwe.

CHIKUMI: Zvinonzi zita iri rakabva pamaverengero evaShona. Zvinhu zvaiiswa muzvikwata zvegumi (using base 10), sezvo mwedzi uyu uri wepakati pegore, wakanzi Chikumi (chidiki) kwozoti Gumiguru (October). Vamwewo vanoti sezvo mwedzi uyu uri wechando, vazukuru vaionekwa vakabata zvikuni vachienda kudare kuna sekuru kunovesa moto wekudziya vachiitirwa ngano.

CHIKUNGURU: Kunguru inyaudzosingwi inodudzira chinhu chaungana pasi (kazhinji chakamandana). Chando mumwedzi uyu chaiita kuti dova rimandane (ice) rowanikwa rakangoti kunguru pose-pose.

NYAMAVHUVHU: Mwedzi unovhuvhuta mhepo zvikuru.

GUNYANA: Mwedzi unowanda manyana eshiri. GUMIGURU: Mwedzi wechigumi wegore. MBUDZI: Mwedzi unobereka mbudzi zvikuru.

ZVITA: Izwi iri rakabva pana mazvita (kutenda). Vanhu vanenge votenda Mwari nevadzimu nokuchengetwa gore rose.

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti

[email protected].
Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>