Musoro werungano

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
1. Musoro wekuti Museve Usingapotse unowirirana zvakadii nezviitiko zviri murungano? Tsigira mhinduro yako zvizere nezviitiko zvishanu. [25]

Museve usingapotse zvinoreva museve chaiwo unoita zvinenge zvichidiwa nemukandi wawo kungave kuuraya kana kuvhundutsa mhuka nevanhu. Museve ukaita zvinenge zvichidikanwa nemukandi wawo tinoti haupotse nekuti unenge wazadzisa chishuwo chemukandi.

Musoro wekuti Museve Usingapotse unotsigirwa nekuuraiwa kwerovambira naMarizani. Izvi zvinoonekwa paanenge ari musango ave kudzokera kumusha kwake kwaMambo Mupambi achibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Anokunga museve achishuva kuti asapotsa rovambira yakanga yauraya mumwe wake Kunjerekunjere. Anobva angoibaya paziso nemuseve ndokuipedzisa nemumwe museve wepiri wakazoibvarura padumbu ichibva yafa.

Musoro werungano urwu unowirirana nekuuraiwa kwaMarizani nemuseve naMambo Chakaingesu. Tinozviona Mambo Chakaingesu pavanobuda muninga yairadzikwa madzimambo avo vachinorwisana nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vakanga vakokwa naPondai kuti vazovapamba. Vanosvika vachibaya Marizani nemuseve kugotsi kamwe chete achibva afa.

Kuti Museve Usingapotse kunoenderana nekuuraiwa kwaGutsa nemuseve naMambo Chakaingesu.

Izvi tinozviona panobuda Mambo Chakaingesu muninga yairadzikwa madzimambo avo vachirwisana nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vaida kupamba dunhu ravo, pavanoona kuti Marizani afa, vanopotsera mumwe museve zvine simba kuna Gutsa ndokumubaya uchibuda nekuseri kwemutsipa achibva afa.

Musoro webhuku unofambirana nekuuraiwa kwaMambo Chakaingesu naPondai. Tinozvijekeserwa Mambo Chakaingesu pavanobva kuninga vachimhanyira kumuzinda wavo kunorwisana nemauto aMambo Mupambi aida kupamba musha wavo.

Vanosangana naPondai jinda ravo guru pamuzinda ndokufara vachiti vawana mubatsiri asi anovafuta ndokuvabaya nemuseve pabendekete nemimwe gumi vachibva vafa.

2. Tsanangura madingindira anowanikwa murungano Museve Usingapotse. [25]

Muna Museve Usingapotse mune dingindira rechitendero chevadzimu. Rinozadziswa naMambo Chakaingesu vanoenda nemwanakomana wavo, Karinge kuninga yairadzikwa madzimambo vachinomudzidzisa kudeketera midzimu yavo kuti asazonetseka kutaurirana nayo ave mambo.

Izvi zvinoita kuti vazopandukirwa naPondai achinotsvaga hondo yekuvapamba umambo nekuti aisada kuti Karinge adzidziswe zveumambo sezvo ari iye aida kuhusiirwa.

Mubhuku umu mune dingindira reupambi. Dingindira iri rinozadziswa naMambo Mupambi vaipamba mamwe madzimambo vachitora pfuma. Izvi zvinobuda pavanopamba madzimai nemombe kwaMambo Mushoshoma uye hanzvadzi dzaKaringe.

Nyaya yeupambi inojekeswawo naPondai uyo anopamba umambo hwaMambo Chakaingesu mushure mekukoka hondo yaMambo Mupambi kuti izovarwisa. Anorongawo kuti mwanakomana wake, Tafirenyika auraye Karinge vaenda kunovhima kuitira kuti asare achipamba umambo hwababa vake, VaChakaingesu.

Murungano urwu mune dingindira rehondo. Rinozadziswa nehondo inorwiwa naMambo Chakaingesu nevarwi vaMambo Mupambi. Izvi zvinobuda Pondai paanonokoka hondo yaMambo Mupambi yakazotanga kurwisana nevarwi vaMambo Chakaingesu zvinokonzera kuuraiwa kwaMhosva, Gutsa naMarizani naMambo Chakaingesu, ivo vachizouraiwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadziswazve naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavarira kudzora hanzvadzi dzake dzavakanga vatapa zvakakonzera rufu rwavo.

Rimwe dingindira ratinowana mubhuku iri nderetsividzo. Dingindira iri rinozadziswa naPondai akatsvagira Mambo Chakaingesu hondo yaMambo Mupambi kuti ivaparadze kutsividza kuramba kwavakanga vaita kumusiira umambo vachida kuhupa Karinge.

Nyaya yetsividzo inozadziswa naKaringe anouraya Pondai naMambo Mupambi nekuti vakanga vatapa hanzvadzi dzake, kuuraya nekupamba umambo hwababa vake, VaChakaingesu.

Rungano urwu rwune dingindira reushingi. Rinozadziswa naKaringe akashinga kurwisana negarwe kusvika arikurira.

Izvi zvinobuda paanopotera kwaMambo Tineshungu achida kunodzidziswa kurwa hondo ndokusvika achikandwa muchidziva chaigara garwe ramambo naChivhere zvinoita kuti arwisane naro kusvika ariuraya.

Ushingi hunojekeswa naKaringe anorwisana nembada ari ega mazuva aaivhima neshamwari dzake musango kusvika aiuraya nemuseve payakanga yave kumusvetukira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>