Mutambi mukuru

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

9. Ndiani waungati mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25]

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomutengera tikiti rekukwira ndege asingazive ndokuzoerekana vava kumuti ave kutoenda kuUK vachiitira kusara vachidanana nemudzimai wake, Sarah.

Pastor Mwenje vanodanana nenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi vari vatatu, Zebra, Sarah naPastor Mwenje vachikurukura nezverwendo rwekuUK. Zebra paanosuduruka pavaive achienda kunodairira foni yake panze, Pastor Mwenje naSarah vanosara vachitsvodana zvakadzama vokasika kuregedzana.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoba mari dzekereke. Izvi zvinobuda pavanenge vari kuUK naSarah. Vanobvisa gumi rezviuru zvemayusa pamari yekereke yaienda kunobatsira vanhu vanotambura vachiipa Sarah nhengo yekereke yavo, yavaidanana nayo muchivande, achibva aitumira murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Kugadzirira marisiti ekunyepa kunoitwa naPastor Mwenje kunoita kuti vave mutambi mukuru. Tinozviona pavanobvisa gumi rezviuru zvemayusa aifanira kuenda kunobatsira vanotambura vachipa Sarah. Vanogadzirisa marisiti aisafambirana nemari yavakabvisa aizoita kuti vasabatwe kuti vaive vambokamura chimwe chidimbu chemayusa.

Pastor Mwenje vanopa nhengo yekereke yavo pamuviri. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi naZebra naSarah. Zebra paanoenda panze kunodaira foni. Vanoudzwa naSarah kuti akanga ave nepamuviri pavo paive nemwedzi mina zvinoita kuti vazoronga zano rekutiza naye vachienda kuUK kuri kuedza kuvanziridza pamuviri pavakanga vamupa.

Muna Kereke Inofa mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanonyepera mudzimai wavo, Mary. Izvi zvinojekeswa pavanoudza Mary vari kuUK kuti vakanga vabva naSarah kuZimbabwe nekuti aida kuzvishandira achitsvaga raramo asi chokwadi chiri chekuti vaida kuvanziridza pamuviri pavaive vamupa.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoita kuti nhengo dzekereke yavo dzitengese imba nemotokari. Tinozviona pavanoudza Sarah naZebra kuti vaida kuenda navo kuUK asi vaifanira kuzvitengera matikiti vega. Izvi zvinoita kuti Sarah naZebra vazotengesa imba yavo yaive kuBudiriro nemotokari senzira yekuunganidza mari yerwendo.

10. Tsanangura zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropodzwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]

Munyori ari kushoropodza vanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa kunotsvaga mari nenzira yechipfambi. Izvi tinozvinzwa naSarah paanenge akagara naMary naPastor Mwenje kumba kwavo kuUK mumupanda wekudyira ari mangwanani. Anoti akanzwa naMary kuti kune vanhurume nevanhukadzi vaibva kuZimbabwe vachiendako kunotsvaga mari kana raramo nenzira yechipfambi.

Munyori ari kushoropodza vanhu vasiri kugona kushandisa fesibhuku. Izvi zvinobuda kuna Charles anenge achitsiurwa nehanzvadzi dzake, Judith naBeauty kuti asanyanye kuita zvefesibhuku achishaya mukana wekuverenga mabhuku. Charles anenge ave kudofora muchikoro nekuti aishaiswa mukana wekuverenga nefesibhuku.

Munyori ari kushoropodza vanhu vanoshandisa indaneti zvisirizvo. Izvi tinozviona panonzi naBeauty indaneti yakanaka zvikuru nekuti ruzivo rwese rwakanyorwa rwunowanikwapo asi akaipa munhu anoishandisa. Anoti indaneti inoshatira kuti haitarise rudzi nezera remunhu inongoita zvayaudzwa kuti iburitse zvisinei nehunaku kana huipi hwazvo.

Chimwe chinoshoropodzwa nemunyori webhuku iri vanhu vasingagoni kushandisa watsiapu. Zvinobuda panonzi naBeauty watsiapu inodyira munhu nguva kupinda fesibhuku nezvimwe kana akatadza kuzvibata zvinoita kuti azokundikana kuita chinhu chinobatika muupenyu.

Munyori anoshoropodza huori huri kuitwa nevatungamiri vemachechi. Tinozviona kuna Pastor Mwenje vanoba mari gumi rezviuru zvemayusa ekereke aifanira kunobatsira varombo vachiapa Sarah nhengo yechechi yavaidanana nayo ndokuzogadzirisa marisiti ekunyepera kuti vasabatwe kuti vakanga vambobvisa chimwe chidimbu chemari iyi.

Chinonyanya kushorwa nemunyori kutadza kuzvibata kunoitwa nevakuru vemachechi. Munyori anojekesa izvi naPastor Mwenje vaitungamira Revelations Church ndokutadza kuzvibata vachibva vatanga kudanana nenhengo yemukereke mavo, Sarah mudzimai waZebra. Kusazvibata kwaPastor Mwenje kunoita kuti vazoguma vapa Sarah mwana muchivande zvinoita kuti Zebra asazoda zveku- namata.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>