Nakirwa nemadora

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Nakirwa nemadora

Kwayedza

MADORA kana akabikwa zvakanaka, mudya ndakasungwa chaiwo sezvo achinaka zvikuru uye anogona kudyiwa nemunhu ari parwendo achinwira-nwira zvake. Zvakare, madora kudya kunovaka muviri.

Svondo rino Mai Lucinda Munatsi vekuDomboshava vanotsanangura pamusoro peimwe nzira yemakangirwo emadora.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta, hanyanisi, matomatisi, mhiripiri, curry powder.

Mabikiro:

Fashaidza mvura wonyika madora kwemaminitsi gumi.

Geza madora kusvika achena.

Kanga hanyanisi nematomatisi parutivi wobva wakanda mhiripiri nekari.

Isa chipunu chemafuta mupoto wosiya apise.

Kanda madora wokanga kusvika aita kakuoma.

Kana aibva, chibura woisa mupani wodira muto.

Isa chipunu chemunyu wokanga kwemaminitsi mashanu.

Chibura zvako unakirwe. Madora anodyiwa nesadza jena kana kuti akadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>