New Curriculum: Kudzidza kuita sei?

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rakaparura madzidziro matsva (new curriculum) kutanga kwegore rino.

Chinonetsa ndechokuti kune vanhu, zvikoro kusanganisira masangano akazvimirira abva aratidza zvachose kuti havasi kuda “new curriculum” iyi, uyewo kuti havasi kuzoigamuchira kusvika zvido zvavo zvaitwa.

Makakatanwa aya akonzerwa nei? Ndezviri mu”new curriculum” here kana kuti kubvira pakanzi nebazi redzidzo yepasi zvikoro zvese zvinofanira kuita “National Pledge”, vamwe vanhu vakabva vati vauwana mukana wokuita makakatanwa negurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora?

Kunenge kuomesera Dr Dokora moyo, asi chokwadi ndechokuti kuomesera vana venyu neramangwana.

Kana vasina vana vari muzvikoro vakatanga kupindirawo nyaya yacho, asi uchiona kuti vanopikisa vakananga zvakanyanya panyaya dzechitendero. Sezvo Zimbabwe ichionekwa senyika ine vanhu vari muchitendero chechiKristu kupinda zvimwe zvitendero zvese, vamwe vakapindwa nepfungwa yokuti “new curriculum” iyi inzira yokuunza nayo zvimwe zvitendero zvakafanana nechiMoslem.

Chinoita kuti utadze kunzwisisa kuti kusada zvimwe zvitendero here ndechokuti, mwana kana ari muchikoro, akadzidza zvinhu zvitsva, hazvirevi kuti ngaabve atora chinhu ichocho woita chake.

Tiri pachitendero ipapa tingape muenzaniso wokuti imwe temu angadzidza zvechiKristu, temu inotevera odzidza nezvokunamata midzimu, imwe temu zvakare odzidzawo zvecchitendero chechiBahai, zvichingodaro. Ruzivo rwaanenge achiwana paari kufamba nedzidzi yake, asi hazvireve kuti temu yega yega, anotendeukira kuchitendero chinenge chichidzwa panguva iyoyo.

Uyu ungori muenzaniso uri kushandiswa nevakawanda kana vave kutsoropodza “new curriculum”.

Maonero avowo, asi zvingafadze zvikuru kuti nokusanzwanana kuri pakati pevanhu vechiKristu, sei vanhu vanopinda masangano anonzi maPentecostal kana Evangelical, vachiona zviri nyore kuendesa vana vavo kuzvikoro zviri pazvitendero zvechiKristu zvavanenge vasingapindirani nazvo – kungave kuMethodist, Roman Catholic kana kuAnglican? Sei pasina kupokana nokuti vana vanongonofunda, asi voramba vachienda kukereke kwavagara vachienda?

New curriculum iyi isati yavepo, vamwe vabereki vange vachiendesa vana vavo kuzvikoro kusina zvechinamato, asi ivo vari vanamati. Pamusana pei?

Dzimba dzokunamatira dziri kunetsa kunyanya mumaguta akaita seHarare. Mamwe makereke ari kunamatira muzvivakwa zvavanhu vechiMoslem. Saka ari kunyengedza mumwe ndiani?

Mukwende haasi kuti zvese zviri mu”new curriculum” zvitsvene, asi ari kuti dzimwe nguva vanhu ngatitsoropodze chinhu tanzwisisa kuti chiri kuitirwei, uyewo kuti magumo acho achazovei, kwete kungoita zvegudza dungwe, kunge tisina pfungwa.

Dai munhu aizongoerekana ave kuUnivhesiti – ECD, Grade Zero, Grade 1 kusvika kuGrade 7, uyewo Fomu 1 kusvika Fomu 6 zvaizove nebasa rei? Mwana anotanga kudzidza kuti “1 + 1 = 2”, asi unoona nokufamba kwenguva zvinenge zvisisiri nyore. Ruzivo rwunenge rwuchipamhidzirwa pamatanho ese aya, kusvika asvike kuUnivhesiti. Hazvirevewo zvakare kuti kana asvika kuUnivhesiti, zvokudzidza zvapera.

Vabereki, zvimwe zvinhu zvamunokurumidzira kutsoropodza, zvinhu zvinozobatsira vana venyu mune ramangwana.

Imi savabereki ndimi munozoona kuti maisa mwana wenyu mugwara ramunoda, kunyanya panyaya dzechitendero. Kuziva zvakasiyana-siyana, zvinoitawo kuti vana venyu vatambanuke pfungwa, nokuti pasi ratave kurarama nhasi, nemichina yaveko yokutaura nokufambisa mashoko, vanogona kuzoita sarudzo vaine ruzivo rwezvinhu zviri pamberi pavo.

Mamwe mabhizinesi akabudirira atiri kuona nhasi uno, anotungamirirwa navanhu vane pfungwa dzakatambanuka, vanhu vanoziva kuti kana uri kunzvimbo kwakati, unofanirwa kuita zvakati nezvekuti, musati mapinda munhaurwa dzebhizinesi.

Kune dzimwe nyika, kukwazisana chaiko kune chirevo zvokuti munotadza kuwana bhizinesi kana musina kuzvifundira. Nguva yokuti vanhu ngavazive vakura yakapfuura. Ngavadzidziswe mukukura ikoko, imi vabereki muripo muchibatsirana navarairidzi, kwete kungotsoropodza chete.

Vamwe vana vanotarisira kuzonoshanda kune dzimwe nyika kana masangano akaita seUnited Nations. Dzinogona kuve nyika dzine zvitendero zvamuri kuramba nhasi uno mu”new curriculum”. Saka munozozvifambisa sei kana musina chiono cheramangwana?

Ngatiyerurewo zvishoma-shoma imwe nyaya iri maererano nedzidzo. Pandiri kunyora kudai, handina kuziva kuti handina kufunda pamusana pokuti ini neimwe mhomho yeZimbabwe nepasi rese hatina kufunda zvinyorwa zveMathematics, Science, Technology neEngineering. Ndiwo mamwe mashoko ave kubuda nhasi uno nemhaka yeSTEM.

Kana takazvinonokera, takazvinonokera! Hapana zvidzidzo zvisina kukosha. Muvarairidzi, magweta, nevamwe vanoita mabasa asingadi zvidzidzo izvi vanozowanikwa kupi, nani?

Share This:

Sponsored Links