O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Monika haambofa akaramba Timoti

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 13 (Ongororo: Enderero mberi)
Enzaniso tinodziona dzichirunga mutauro. Tinotanga kusangana neinotiratidza kunyarara kwainge kuripo pakati paTimoti naMonika apo vainge vachifamba izvo zvinonzi vainge vati zi-i “sapafiwa” (66) asi kunyarara uku kunozopera “semhute inongoenda” (66) zvinhu zvose zvonyunguduka “somunyu waiswa mumvura inopisa” (66). Kutsanangurwa kunoitwa kuerera kwaiita rukova kunobva kwaita kuti muverengi anyatse kunzwisisa kuti rwaierera sei zvinonzi rwaierera rwusina mheremhere “sourimbo” (67).

Zuvawo rinotsanangurwa matarisikiro aro apo rinenge rava kuda kupota. Tinonzwa zvichinzi roda kuti richiti pote kutenderera nokutsvuka kwaro kwaiita “sechitsvuku chezai mbishi” (69). Panosvika Monika pamba zvinoonekwa kuti amai vake vari kutubwida nehasha izvo zvinonzi vakanga voita “semvura yapoya naparutivi pedhamu” (70). Panoburana Monika naamai vake hapana chakanakaba, zvinonzi vaviri ava vakatarisana “savacharumana” (70).

Kudimikira kushoma chaizvo, tinongosangana nerinotiratidza kuti ainge asisina shungu nezvaida kutaurwa naMonika izvo zvinonzi Timoti “akanga zvino asviba mwoyo” (66). Iro zuva musi uyu apo vaifamba raipisa zvechokwadi izvo zvinodimikirwa zvichinzi “iro remvura yezhizha richigodhoma kupisa”(66). Amai vaMonika vazere nekutsvinya kukuru, tinoona mashorero avanoita Timoti kubva mukushandisa kwavanoita bumbiro remavara rinoti “-ka-” zvavanotaura ndezvizvi: “kana kazhinji achikuona nekamutsiri kako kandakakurambidza kufamba nako muchirimo” (70).

CHITSAUKO 14 (Nyaya yacho)
Pamazuva matatu anotevera Mujubeki anouya katatu kuti amuone Monika uyo anonzvengera munhanga make asingadi kumuona. Amai vake vanotanga kunetsekakana kuti vakamboedzawo kuti Monika aite kwazvo muchikoro asi ndipo paava kuita zvakadai, achisiya Mujubheki munhu kwaye wavainge vamutsvagira. Vakamboedza kumupopotera asi iye kana kumbovanzwa.

Vanozofunga zvekumushevedza ndokumuti ambogara pasi sezvo vaida kumutaurira nezvehope idzo vainge varota. Vanoti vainge varota vachiona baba vavo vakamira pamahombekombe edziva guru, vachivataurira kuti kana vakatamba pedyo nedziva guru vachawiramo vakafa, zvino musi uyu vakamuti vafa kunyangwe zvazvo vainge vasina kumbowira mudziva macho. Pavainge voda kuvaudza kuti vainge vachiri vapenyu ndipo pavakabva vapepuka.

Monika anoti dzinongove hope zvadzo ivo ndokuti kwete pane chikuru chichaitika chete vomuti anofanira kungwarira kufamba kwake kwaari kuda kuwanza uko sezvo hope dzavo dzisinganyepi. Monika anovabvunza kuti zvino vanoda kuti aite seiko ivo ndokumupindura vachiti mukomana wake uya achinaye here Monika anoti haazombofa akaramba Timoti ivo ndokumubvunza kuti zvose zvavakataura haana kuzvinzwa here iyi ndokuti akazvinzwa asi haafungi kuti achareva zvimwezve kunze kweizvo ainge ataura.

Vanomuvhundutsira vachiti kana aramba zvavanenge vataura achazvionawo oga ndokuenderera mberi nekushoropodza Timoti. Baba vake vanoti, heya ari kunyengera mwana ivo ndokupindura nejinyu kuti havanyarari, vachisiya Monika ari ipapo. Baba vanoviruka nehasha ndokutsidza kuti Monika haasi wavaChigweru avo vanopika kuti Monika ndevavo.

Baba vakati Tendai ndewavo zvino ari kupi ngavanyarare kana ivo VaChigweru vachaita musha iwowo wavo ivo ndokuti newavo iye murume akafa kare saka ngaabude zvake. Izvi zvinoshatirisa murume uyo anoti anoda kuzviona izvozvo.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>