Rarama somudavadi

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

ZITA remunhu chii? Kune rimwe boka ravanhu rinoti zita remunhu rinotodzana nehunhu hwake kana nehunhu hwevanhu vakamborarama zuro vane zita rinenge rake.

Kunoitawo rimwe boka rinoti zita harina kana chekuita neupenyu hwemunhu nekuti chingori chipauro chinovagonesa kupatsanura zvinhu kubva pane zvimwe kana vanhu kubva pane vamwe.

Vanhu vari muboka rinoti mazita ane chekuita neraramo yemunhu vanoonekwa vachisarudza mazita ekupa vana ane jekero mune ramangwana.

Vanhu ava vanopa vana mazita emadzimambo, mambokadzi, vatungamiri vematonganyika, vafundisi, nevakakurumbira mune zvemabhizimusi.

Nyaya yemazita iyi yaunzwa mundangariro nekuda kwemunyori David Mungoshi, munyori wemuunganidzwa wenduri wandiri kusekenyedzwa nawo uye wandinovimba kuti uchasekenyedza vaverengi venduri vakati wandei. Muunganidzwa wenduri uyu wati sandukei pakuti Mungoshi ari kuuya nechidobi chinosiya muravi akati tuzu ashamiswa.

“Live Like an Artist” inoburitsa unyanzvi hwaDavid pachena hwekuva sarungano, muimbi, nyanduri, mhengenuri yeuvaranomwe uye munyori wenhoroondo. Nhetembo dzaDavid hadzigoni kuperera mukurava muchinyararire asi kurava uchidudza mazwi kuti uwane kutapirirwa nemutinhimira werunyoro rwake.

Izvi zvabva zvandifungisa David mwanakomana waJese uyo akava munyori wenduri idzo dzinodaidzwa kuti Mapisarema dzinovawo dzisingagoni kuraviwa chinyararire, asi kuti dzinoda kuimbwa kana kudetemba nezwi rinodudza mutinhimira nemaungira akatsepetera.

Kana muBhaibheri nduri idzi imwe neimwe inenge ichinzi rwiyo rwaDavid. Mubhuku rino David akadarika kungova munduri wenduri ndokusvika pakuwedzera nyaya, nhoroondo, nduri, nziyo, ngano nemhenenguro dzeuvaranomwe.

Mamwe mazita aanonzi anogona kunamira hunhu nezviito zvevakamboapiwa zuro, zvichida ndiko saka vamwe vachizoramba kupa vana vavo chero zita vachitanga vapenengura kuti zita racho rinomborevei.

Musoro wemuunganidzwa wenduri uno, Rarama soMudavadi unenge kurova shiri mbiri nedombo rimwe chete panguva imwe.

David munhu uya watingati ava pamudyandigere zvokuti hakuna achamunetsa achiti muka ugeze uende kubasa nenguva yakatarwa.

Kana achiita mabasa ava kuaita kazhinji nenguva yaanozvirongera iye.

Zviri kwaari kushanda masikati, kana manheru. Zvava kwaari kufuga kana kuwarira.

Nguva yekunyora yava kwaari yese izvo zvava kumupa mukana nenguva yekudzoka kure kure kuupenyu hwake achiri mudiki achinotora dzikiso nehudzamu hunoshamisa panduri dzake.

Pane imwe nguva Rarama soMudavadi zvinogona kureva kuti nyora usingatarisiri mari asi kusvitsa shoko semudzimu wemumusha unobikirwa doro rausingamwi woga.

Nhetembo dzinonzi hadzina mari nekuti hadzitengwi. Kudai ari umwe nyanduri angadai akaburitsa mabhuku maviri munduri zana dziri muna “Live Like an Artist” izvo zvaizomupawo kuwana mari. Asi iye akatakura shoko ravachenjeri vakare rekuti nyanduri murindi wemusha kuti usapindirwa namatibura nekudaro mufaro mukuru unobva mukuona kuti musha wakarindika kudarika mukuripwa.

Ndivananyanduri vashoma chose vanogona kuzvipira kutsikisa nduri zana panguva imwe chete.

Vazhinji vanowanzoita nduri makumi mashanu dzatokwanisa bhuku.

Kunyangwe imwe miunganidzwa yenduri yavananyanduri vakawanda inotadza kusvika nduri zana kana kupfuura zvishoma zvichinzi nduri hadzina mari.

Zvakadaro, nduri idzi dzakasarudzwa kubva kuzhinji.

David munyori wenduri, nyaya pfupi, novhero uye mutambi wemumafirimu pamwe nemadhirama izvo zvinodura hudavadi hwake. Mudavadi haaisi mazai mutswanda imwe.

Nduri inonzi “Stories from My Picture Album” inodonongodza nhoroondo yemutambi munduri kubvira ari mucheche kusvika ava nemakore makumi matanhatu namakore matatu achishandisa mifananidzo gumi neumwe.

“Twelve Bar Blues Story” indurinyaya inotaura nezvematambudziko anosanganikwa nemunhu anenge ashanyira bhawa rimwe nerimwe remabhawa gumi namaviri.

Kuzoti “A Different School of Romance” inoburitsa husarungano hwaDavid pachena zvekuti munhu unoramba uchida kuti dai aramba achingotaura rungano rwacho ataurazve kusvika wave kuziva kuti kuva murudo kudzosa nyemwerero nekuseka kwake (Being romantic means bringing back those smiles and laughter).

Zvino David wedu anenge oshandisa izwi rachipangamazano, izwi rachipangamazano rinonzwikazve munduri inonzi, In our Time (For young people everywhere) iyo ingangoturikirwa kuti, Pamazuva Edu (kumudiki wese kwese kwauri) apo anoyambira vadiki kuti vazive kusiyana kwenguva yavari neiyo yakararama izwi rachipangamazano.

Bang! Bang! Bang! inokusiya uchifunga chidobi cheizwi remudzimai anotora bonde sekupfurwa nepfuti iyo mabara ayo anongonyura mumunyepfu wanyakupfurwa ichimuodza asi iye asina chaanoburapo chouviri kusvika pakushuva kuti dai azowana hake murume chaiye asingakoki nekupfura nepfuti inomusiira marwadzo asi anogona kumufadza.

Zvinovava zvinoda kuzvionera pamhino sefodya.

Ini ndangototota zvinotapirira, kunhuwirira, kusekenyedza, kusekesa, nekuibva kwazvo. Semuravi chisharawo twako twekupedzesa havi yendangariro usazoti ndakapedzerwa, yakati yaareva ndaidawo kutoti ndiiti.

Share This:

Sponsored Links