Rudo anoverenga dhayari ramufundisi

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 10 Ongororo: Enderero mberi

Tinodzidza zvinhu zvitatu maererano netsika nemaitiro evanhu. Tinotanga nekunzwa kuti Phainos Kamunda akambenge ari mudzidzisi paMharapara Mission “aiva nenhema dzaaisitaurira vamwe vake . . .” (44). Tinozonzwa zvimwe maererano naMufundisi Lovedale avo vanonzi “Kuparidza kwomurume uyu kwakaita kuti vanhu vazhinji vatendeuke nokuti Mufundisi Lovedale vaiparidza mharidzo dzaibva mubhaibheri dzoita sedzakanga dzakanyorerwa vanhu vokwaSadzajena” (45).

Tinonzwawo sezvambotaurwa munhaurwa yesvondo rapfuura kuti Mufundisi uyu “chavainyanya kuyemurirwa nokukudzirwa navanhu vomaSadzajena marerero avaiita Rudo” (45). Iye Rudo wachowo, “akanga ari mwana asingadi kupikisana navakuru” (46).

Kudimikira kunoshandiswa kunoti kusetsa kukati kusuwisa. Ruzhinji rwevana vemudunhu iri rwaingokura rusingazivi kuti mukati mechikoro muna matura here kana kuti zvoto zvokubikisa” (44). Apa munyori ari kureva kusaenda kweruzhinji rwevana ava kuchikoro. Nhema dzinotaurwa naPhainos Kamunda ngadziti kusekesa. Machinda aya okumhanya apo akaona chitima chichiuya anozviita sezvisati zvamboitika pasi pano.

Zvinonzi machinda akamhanya “zvekusiya imbwa dzavo nekure kwazvo.” Rudo maererano nekuchengetwa uko anoitwa naMufundisi Lovedale haana kukwanisa kuziva kuti ainge ari nherera. Izvi akazozviziva atokura ava kuda kuita mukadzi mukuru kana kuti “atova tsiru rofurira umhou” (45).

CHITSAUKKO 11 (Nyaya yacho)

Nyaya yekuda kunyatsa kunzwisisa mufananidzo wemukoti inobata pfungwa yaRudo. Anopinda zvakare mumba yekutandarira, kwava kuturunura mufananidzo kuti anyatse kuongorora pasina anomuona. Anotora wake kuti aone kuti wakanaka ndoupi ndokuona kunge ndiye pachake mumifananidzo iyi. Anova nepfungwa yekuti Mufundisi Lovedale vakangoti pesere, iye achasara achigudubudzana namabokisi avo aone kana musina mimwe mifananidzo yakadaro.

Izvi ndizvo zvinobva zvaitika, Mufundisi Lovedale vanoshevedzwa kumusangano wechechi yavo kuVhitori kwavainopedza mazuva matatu vari. Vamwe vashandikadzi vakanzi vanogona kuenda kumusha kwavo masikati vozodzoka manheru kuti Rudo asarare oga. Rudo anobva ati hekani waro ndawana nguva yekugwedebudza mabhokisi aMufundisi Lovedale. Anoita saizvozvo asi hapana chaanowana chinoshamisa.

Aneta nekutsvaga, anotora “diary” kuti amboonawo kuti chii chaiitika muupenyu hwaMufundisi iye asati aberekwa. Anokiya musuwo ndokuvhura peji iyo anoona yakanyorwa kuti “24 December” Mufundisi vachitaura nezvekusvika kwavo paMharapa nemachoir akaimba zvinofadza. Pakanzi “25 December” Mufundisi akanyora kuti Nesi Annatoria Tichafa vakafa zuva irori.

Rudo haasi kuziva kuti Winnie ari kudongorera achiona zvose zvaari kuita. Rudo anowanikidza tsamba yakanyorwa naAnnatoria Tichafa ndokuiverenga. Tsamba iyi iri kutaura nezvekuzviuraya, zvekuzvara mwanasikana anonzi Rudo nezvechido chavo chekuti Mufundisi Lovedale vasare vachichengeta mwanasikana uyu. Zvimwe izvo Rudo anorava muDiary” ndezvekuti 25 December – kuvigwa kwaAnnatoria Tichafa, 8 May Rudo ava nemakore gumi nematatu achivabvunza kuti vabereki vake vari kupi ivo ndokunzvenga kupindura, 25 November, Rudo ava nemakore gumi nematanhatu, kuvabvunza zvakare pamusoro penhau iyi ivo ndokuti vachazomutaurira kana apedza JC yaainge achinotanga kuMudavanhu Secondary School.

Apedza kuverenga dhayari, anotanga kuchema ozokanganiswa nekugogodzwa kunoitwa pamusuwo naWinnie. Anokurumidza kudzorera dhayari mubhokisi ndokupukuta misodzi kumeso, munhu ndokuzozarura musuo achinyemwerera sekunge hapana chaainge achiita.

Anomhorosa Winnie kwava kunyepa kuti anonoka kuvhura musuo achiti kuda pane bhinya riri kuda kumupindira.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>