Seed Co yopinza vana chikoro

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Seed Co yopinza vana chikoro

Kwayedza

Daphne Machiri —
KAMBANI inouchika mbeu, yeSeed Co inoti yakazvipira kubatsira vana vechikoro vanobva kumhuri dzinoshaya kuitira kuti vawanewo mukana wekudzidza sevamwe vagozove neramangwana rine pundutso.

Mashoko aya akaturwa svondo rapera nemukushi wemashoko kuSeed Co — Muzvare Marjorie Mutemererwa — kumuzinda wekambani iyi kuStaplefold, muHarare apo vaigashidza chipo chezvekushandisa mumutambo werugby kuzvikoro zvinoti Churchhill Boys High neSt Georges College, muHarare.

Muzvare Mutemererwa vanoti ikodzero yemwana wose kuti awane dzidzo.

“Sekambani, takaona zvakakodzera kuti tisimudzire vana vanoshaya pamwe nevakafirwa nevabereki kubudikidza nekuvaendesa kuchikoro inovawo nzira yekusimudzira nyika munyaya dzedzidzo nematarenda emitambo,” vanodaro Muzvare Mutemererwa.

Vanoti donzvo ravo nderekuti vana vanobva kumhuri dzinotambura vawanewo mukana wekudzidza.

“Tiri kushanda nezvikoro zvakawanda takanangana nekusimudzira zvidzidzo zveSTEM pamwe nezvemabasa emawoko zvakaita sekurima izvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Vana ngavadzidziswe kurima nemamwe mabasa emawoko kuitira kuti vazowane raramo mune remangwana,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kutsigira vana vane matarenda mumitambo yakasiyana sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mairi. Seed Co, vanodaro, iri kubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura vane chitsama mufundo yavo kubvira vari padanho repuraimari kusvikira kuyunivhesiti.

Share This:

Sponsored Links