Selbourne Primary: Unozodei? -Bhazi rechikoro ravapo -Ma’prefects’ akagadzwa

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Selbourne Primary: Unozodei? -Bhazi rechikoro ravapo -Ma’prefects’ akagadzwa Mai Getrude Katena

Kwayedza

Trymore Muvhawa
AKANGE ari makuwerere pachikoro cheSelbourne Routledge Primary, icho chiri muHarare, svondo rapera apo paipembererwa bhazi idzva pamwe nekugadzwa kwevatungamiririri vevana – maprefects. Vachitaura pagungano iri, mukuru wechikoro ichi, Mai Getrude Katena, vakarumbidza vabereki nekushanda pamwe chete nehutungamiri hwepachikoro ichi mukuunza budiriro.

“Ndinoda kuti tifare tose nhasi nekuti tava nebhazi redu. Asi zvakanga zvisiri nyore kuti tikwanise kuritenga nekuti pakaita dambudziko remakakatanwa, vamwe vachiti dai tatanga kuvaka mudhuri weECD asi mushure mezvo takazobvumirana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinoda kutenda vabereki kunyanya, nekuti vanotitsigira nguva zhinji kuburikidza nekubhadhra mari yatinenge tati vabvise yebudiriro yechikoro uye kuvakurudzira kuti varambe vakashinga. Iko zvino tava kuzokwanisa kuchengetedza mari nekuti takanga tiine tsika yekuhaya mabhazi, izvo zvaiita kuti tiburitse mari yakawanda.”

Mashoko avo anotsinhirwa nasachigaro wekomiti inomirira vabereki, yeSchool Development Committee, Dr Edward Gomba, vachiti zvakakosha kuti mapoka ose arambe akabatana mukusimudzira fundo paSelbourne Routledge Primary.

“Pari zvino tiri mushishi kuti tikwanise kuisa durawall, kupenda dzimba dzekudzidzira pamwe nezvimwewo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>