Shandisai mishonga inouraya sora: Seed Co

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Shandisai mishonga inouraya sora: Seed Co

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
KAMBANI huru ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co inoti zvakakosha kuti varimi vasimudzire goho ravo kuburikidza nekushandisa dzimwe nzira dzakareruka pakuita basa dzakaita sekushandisa mishonga inouraya sora mumbesa dzavo.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaSimba Gotosa vanova head of communal agronomy kukambani iyi

nguva yadarika apo vaiongorora goho rechibage kuMuzarabani, kudunhu reMashonaland Central.

Vanoti varimi vazhinji vari kusangana nedambudziko rekudzikira kwegoho nekuda kwesora rinenge risina kusakurirwa zvakakwana asi ipo paine dzimwe nzira dzinogona kushandiswa mukupedza sora iri.

“Varimi farirai kushanda pamwe chete nevarimisi munyaya dzekubvisa sora muminda yenyu. Takakomborerwa kuti nyika yedu ine varimisi vakawanda chaizvo vakamirira basa rekubatsira varimi. Varimisi vedu vane hunyanzvi hwekuziva kuti mishonga yesora inoshandiswa sei uye vanovabatsira kuisa mishonga yacho. Kune vamwe vanoti havaisi mishonga, kunyanya varimi vekumaruwa uye vekumapurazi madiki. Chisingazivi varimi vazhinji ndechekuti zvinodhura kuisa vanhu vemaricho mumunda nekuvabhadhara pane kushandisa mishonga inouraya pamwe chete nekupisa sora,” vanodaro VaGotosa.

Vanoti kusakura dzimwe nguva kunotokanganisa mamiriro anenge akaita ivhu izvo zvinotadzisa zvirimwa kukura zvakanaka.

“Aiva makare apo vamwe vaiudzwa nevarungu kuti mishonga yesora haina kunaka nekuti varungu vaida kuti minda yavo iibve yevaitema isingaibve. Varimi ngatifambiranei nenguva panzira dzekurima dzechimanje-manje. Kusakura dzimwe nguva kunokanganisa mamiriro evhu (soil structure) uye kunogona kuvhiringidza mbeu nekuti dzinotemwa pakusakura. Chimwe chibage chinobva chatadza kuita vana vakasvika nekuti chinenge chambotemwa-temwa pakusakura,” vanodaro.

VaGotosa vanoti pambeu dzechibage dzose dzinouchikwa nekambani yavo hapana isingaite kushandisira mishonga yekupisa sora asi chakakosha kuti murimi atange aona murimisi asati ashandisa mushonga uyu.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru wevarimisi (Arex supevisor) kuCentenary – VaOwen Magwanya – vanoti varimi vanofanira kuve neruzivo rwakadzama vasati vashandisa mishonga inouraya sora.

“Kune varimi vanoenda kunotenga mishonga yekuuraya nekupisa sora vasati vaona vanamudhumeni zvinova zviri kuzoita kuti mishonga iyi inzi yakashata. Vazhinji vavo vanongotenga mishonga vasina ruzivo rwakakwana. Varimi tinovakurudzira kuti vaone varimisi vavo maererano nedambudziko ravanenge vainaro vasati vaenda kuzvitoro kunotenga mishonga. Chakakosha pamurimi kuziva mhando yesora riri mumunda make, chechipiri kuziva zera rava nembeu dzake kozotiwo maisirwo anoitwa mushonga wacho,” vanodaro.

Vanoti mishonga inouraya sora iyi yakasiyana mashandiro acho.

“Kune mishonga inoshanda kusora rave nemashizha akapamhama, kozoti inoshanda kusora rine mashizha matete. Mukuisa mushonga, kune inoiswa mbesa dzisati dzabuda, koita inoiswa mbesa dzabuda asi ichosarudza kuuraya sora chete, kozotiwo imwe inoiswa mukati membeu asi ichiuraya zvese sora nembeu. Pamishonga inouraya sora zvese nembeu iyi varimi, vanofanira kuishandisa zvine hungwaru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links