Sirabhasi itsva yavepo: Mavima

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Sirabhasi itsva yavepo: Mavima

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti bazi ravo rakapedza kugadzira sirabhasi yegwaro idzva refundo reNew Education Cirriculum iro richatanga kushandiswa nezvikoro gore rinouya.Prof Mavima vakataura mashoko aya mudare reParamende nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHurungwe Central mudare reNational Assembly, VaGodfrey Beremauro.

VaBeremauro vaida kuziva kana zvikoro zvakatanga kufundisa vadzidzi pamusoro pebumbiro remutemo wenyika sezviri mubumbiro iri pachikamu cheChapter 1 Section 7(b).

Prof Mavima vanoti gwaro idzva redzidzo iri richange richishandiswa kubvira padanho reECD, Grade 1 ne3, Form 1, Form 3 ne5.

“Ndinovimba dare rino rinoyeuka kuti takaita chirongwa chekuvandudza dzidzo (cirriculum review) icho chakapera. Parizvino tapedza zvakare kugadzira sirabhasi itsva. Kubvira kupuraimari kusvika kusekondari, kuchange kuchidzidziswa zvidzidzo zveHeritage Studies izvo zvinosanganisira ruzivo pamusoro pebumbiro remutemo wenyika. Saka izvi zvichatanga kudzidziswa kubvira 2017,” vanodaro.

Zvakadaro, Prof Mavima vanoti zvikoro zviri kudzidzisawo zvakare rwiyo rwenyika (national athem) neNational Schools Pledge nedonzvo rekuti vadzidzi vave vanozvipira kushandira nyika yavo.

Vakataura mashoko aya apo vaipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dextor Nduna avo vaida kuziva kana muzvikoro muri kudzidziswa rwiyo rwenyika.

“Dzimwe nguva unoona rwiyo rwenyika rwuchiimbwa apo vamwe vanhu vakuru nevana vechikoro vanenge vachitsenga bubble gum, vamwe vachiita zvimwewo sezvinonzi havazive mazwi erwiyo rwenyika.  Vamwe vanenge vakamira vabata zvipfuva zvavo, apowo vamwe vakamira makumbo akaita sekapu yetsvutugadzike, zvichingodaro. Saka mukudzidziswa rwiyo rwenyika urwu vanofundiswawo here zvinotarisirwa panguva yekurwuimba?” vanodaro Cde Nduna.

Vachipindura, Prof Mavima vanoti muzvikoro vana vachange vachidzidziswa zvinotarisirwa panguva iyo rwiyo rwenyika rwunenge rwuchiimbwa.

“Ndanzwa zvamataura kuitira kuti tidzidzise vana nzira kwayo yekuimba rwiyo urwu uye kana tadaro tinenge tichifundisa veruzhinji zvakare maimbirwo erwiyo rwedu rwenyika. Ichi chikamu chezvidzidzo zvedu zveHeritage Studies,” vanodaro Prof Mavima.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>