St. Angela Academy haisarudzi vadzidzi

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
St. Angela Academy haisarudzi vadzidzi

Kwayedza

CHIKORO cheSt. Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare chinotangira paForm 1 kusvika Form 6 uye chine bhodhingi yevakomana nevasikana.

Chikoro ichi ndechemarudzi ose sezvo chiine vadzidzi vanosanganisira vechitema, vachena nevechiIndia.

Vanasikana vanoda kugara pachikoro semabhodha vanogara kubva Muvhuro kusvika Chishanu vozoenda kumba Mugovera kusvikira Svondo. Izvi zvinovapa mukana wekudzidza murunyararo.

Vadzidzi vanenge vari vashoma mukirasi vasingapfuuri gumi kuitira kuti vawane nguva yekunyatsobatsirwa nevadzidzisi vavo.

PaSt. Angela Academy pane library, laboratory necomputer room.

Vana vanodzidziswa sirabhasi yeCambridge uye vanoita mitambo yakasiyana — siyana inosanganisira basketball, gorofu, makwikwi ekumhanya netennis.

Pamusoro pezvo, vana vanodzidziswawo kuita mabasa etsitsi saka vanoenda kunzvimbo dzinochengeterwa nherera nevakwegura dzakaita seEmerald Hill, St. Joseph neDandaro vachinobatsira muine zvakasiyana. St. Angela inodzidzisawo vana zvechitendero nekunamata.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>