US$14m yechikafu chevana muzvikoro

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
US$14m yechikafu  chevana muzvikoro

Kwayedza

NYIKA yeGerman yakapa mari inosvika US$14 miriyoni kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari iyo ichabatsira mukutenga chikafu chichapihwa vana muzvikoro pamwe nekuti vawane mvura yakachena.

Mari iyi ichabatsira zvakare mukuvandudza zvekushandisa pakudzidzisa vana pamwe nevarairidzi zvichienderana nezviri kudiwa pasi pegwaro idzva redzidzo, reNew Cirriculum.

Mari iyi yapihwa panguva iyo apo boka reGlobal Partneship for Education (GPE) richangobva kupasisa kupihwa kwemari inokwana US$20,6 miriyoni kuchikamu chedzidzo ichi nevatsigiri vakasiyana.

Zimbabwe ndiyo iri pamusoro muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora nechikamu che92%.

Gurukota rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakazivisa nezvemari yakapihwa neGerman iyi. “Ndinotora mukana uno kuzivisa kuti Hurumende yeGermany yakapa bazi redu mari inosvika US$14 miriyoni. Imwe yemari iyi ichashandiswa muchirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro, kuti vawane mvura yakachena yekushandisa pamwe nekuona kuti pave nezvekushandisa zvevana neavo vachange vachiona nezvechirongwa chegwaro idzva redzidzo (facilitators) reNew Cirriculum,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti budiriro iyi munyaya yedzidzo inofanira kurumbidzwa.

Zimbabwe yakave nhengo yeboka reGPE mugore ra2013 apo yakapihwa mari inosvika US$23,6 miriyoni yekutsigira hurongwa hwekuvandudzwa kwedzidzo kubva mugore ra2013 kusvika 2016. Dr Dokora vanoti rubatsiro rwakapihwa Zimbabwe nguva yadarika neboka iri rwakayamurawo mukudzidzisa varairidzi 23 000 pamusoro pezvinoshandiswa nevana pavanotanga kuverenga pamwe nemamwe maticha anodarika 28 000 anobatsira vana vanonoka kubata zvidzidzo pasi pechirongwa chePerformance Lag Address Programme. — The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>