‘Vabereki siyanai nekunyepa’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Vabereki siyanai nekunyepa’ VaValerio Mukova

Kwayedza

VaValerio Mukova

VaValerio Mukova

Nyasha Mutena
MUTEVEDZERI wemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaValerio Mukova, vari kutsiura vabereki vane tsika yekunyepa kero dzekwavanogara pamwe nekuita chikiribidi apo vanenge vachida kuti vana vavo vawane nzvimbo kuzvikoro zvepamusoro izvo zvaimbonzi zvemaGroup A kare kuti vasiyane nehunhu hwakadai.

Vachitaura neKwayedza, VaMukova vanoti vabereki vakawanda vari kuedza nepose pavanogona kuti vana vavo vadzidze kuzvikoro zvepamusoro kuburikidza nekushandisa nzira dzechitsotsi.

Vanoti kuita kwakadai kuomesera vana avo vanopedzisira vave kudzidza kuzvikoro zviri kure nekwavanogara izvo zvinozokanganisa dzidzo yavo.
“Mwana anenge ava kufanirwa kukurumidza kumuka uye kugara achidzidziswa kunyepa nekuti anenge asisafanirwe kutaura kwaanogara chaiko zvinova zvisina hungwaru,” vanodaro VaMukova.

Vanoti zvakare pachinzvimbo chekuti vana vadzidze vari 45 chete mukirasi vanopedzisira vave kumanikidzana kana kusvika 65 izvo zvinozopa dambudziko kumudzidzisi kuti akwanise kunge achivafundisa vose sezvinotarisirwa.

“Dai vabereki vatarisana nekusimudzira zvikoro zviri kunzvimbo dzavari nekuti zvavari kuchiva vanogona kuzvigadzirisa vega kana vakaita mushandirapamwe,” vakadaro VaMukova.

Vanoti vamwe vevana vari kudzidza kuzvikoro zviri kure nekwavanogara ava dzinenge dziri ndumurwa dzeGrade 1 avo vamwe vacho vanoenda voga kana kupihwa kuvatyairi vemakombi izvo zvine njodzi kuupenyu hwavo.

“Vamwe vana vari kutakurwa kuendeswa kuchikoro nevatyairi vasina mapepa akakwana nenyaya yekuti mubereki anenge achingovavarira kuti chero mwana aenda kuchikoro, havazvitsvage izvo zvinogona kuvapinza mutsaona,” vakadaro VaMukova.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>