VaMushayazano vatiza muchipatara

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 15 (Ongororo: Endererro mberi)

Dzimwe enzaniso tinodziona pachibatanidzwa nedzokororo apo amai vaMonika vanoda kumuratidza kuti kana aroorwa naMujubheki achazogara zvakanaka. Tinosangana neenzaniso yokuti Monika achagara “samisisi” (80).

Tinozosanganazve neenzaniso imwe chete yava kudzokororwa tava kusvika kunoperera Peji 80 apo zvinonzi zvakare Monika achagara zvake “samisisi”.

Amai vaMonika apo vanotaura zvinoitwa naMujubheki chokwadi ndizvo zvinobva zvangoitika. Vanoti kana Mujubheki achinge afunga zvaanenge achida kuita, anobva atozviita chete. Zvechokwadiwo svondo ravanozvitaura panobva paonekwa pachisvika varume vasere kuzotangisa kuvaka imba yaMujubheki. Enzaniso inoti amai ava vakanga vataura “sevane muti mukanwa” (80) inobva yazadzisa kutaura kwavo.

Izvi zvinobva zvatibatsirawo kuone kuti Mujubheki ainge ari munhu akaita sei. “Kana pane chaati ndoita anotochiita chete” (80) amai vaMonika vanodaro. Izvi zvinobva zvazadzikiswa mundima inotevera. Zvinoita kuti tionewo kuti pane chakanaka maererano nemurume uyu.

Kudimikira kwatinosangana nako kunongove kumwe chete izvo zvinoratidza kuti Monika zvekuchata zviye anenge azozviita, zvinodimikirwa zvichinzi, “musi unonzi ngoma yarira” (79).

CHITSAUKO 16 (Nyaya Yacho)

Amai vaMonika vanobva vapera simba nezvavanonzwa.

Apo vanomubvunza kuti ava nemwedzi mingani ndokuudzwa kuti mina hapana chimwe chavanozobvunza zvakare.

Vanobva vatondera kurwadziswa kwakaitwa baba vavo kukuru kwazvo apo vainge vadyirwa munda wavo uyo wainge une zvirimwa zvakasvika chaizvo zvokuti munhu wose aipfuura nepamunda pavo aitongoti zviri apa haasati ambozviona uye aitombomira kuti atarise, zvainge zvadyiwa.

Mukuru akachema zvaisiririsa akapedza mazuva maviri pasina chaadya. Asi VaChingweru zvavanonzwa zvakanga zvaitwa naMonika kurwadziwa kwava kwakapfuura kwababa vavo zvavakadyirwa munda. Mujubheki anounza shoko rokuti imba yakanga yapera amai vemwanasikana zvikavarwadza zvikuru apo vakademba kuti dai Monika ainge akataura zvake kare, Mujubheki angadai asina kuparadza mari yake nekuvakisa imba isina anogara.

VaChingweru vanoenda vega kunoona imba yaMujubheki, Monika ndokusara ari mushishi yekugadzirira vaenzi vake. Pavanosvika kwaMujubheki, murume uyu anobvunza kuti vamwe vasara kupi ndokuudzwa kuti vasara vachishanda.

Pavanobva kwaMujubheki, VaChingweru vanove neimwe pfungwa yainge isati yambovashanyira muupenyu hwavo hwose ndokuramba kuti imba yakaita seyaMujubheki ive nemumwezve angaigara kusiya kwaMonika. Vasvika kumba wanobvunza Monika kuti zviya akati vaenzi vake vanouya rinhi ndokuudzwa kuti Mugovera vachizodzokera neSvondo.

Monika anoshamisika nekuda kubatsira kuvagadzirira kunoitwa naamai vake sekumupa mari.

Vanobva vamuti kana ava kuenda kunotenga shuga nezvakadaro zvekubikira vaenzi ava putugadzike asvike nepaMujubheki achiona imba yake.

Panosvika Mugovera, vaenzi vaMonika vanouya amai vake vakaratidza kumwe kufara uko Monika akanga asati amboona.

Vakomana ava vaenda, Mujubheki anotenga rori, Monika naamai vake vakadeedzwa kuti vanorara kumusha kwaMujubheki vachifara.

Mujubheki anoti achabika doro rekupemberera motokari nemba ndokuti kuna VaChingweru apo baba vanoita zvakanaka chete, ndipo pavanobva varonga zvemuchato.

Musi mumweyo uyo wakarara Monika naamai vake kwaMujubheki, VaMushayazano vanotiza muchipatara vava kuita sevanopenga. Zvinotozozivikanwa kuti vakanga vasina kusvika.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>