Vana vari kusiira chikoro panzira

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi
ONGORORO yakaitwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari inoratidza kuti pavana vose vanotanga zvidzidzo zveGrade 1, chikamu che70% ndicho chinokwanisa kupfuurira mberi kusvika paGrade 7 sezvo vamwe vachikundikana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Kusekondari, pavadzidzi vanotanga Form 1, chikamu che88% ndicho chinosvika Form 4.

Izvi zvakabuda mutsvakiridzo yakaitwa nebazi iri pamusoro pemamiriro akaita nyaya dzedzidzo munyika mugwaro reAnnual Statistical Report 2013. Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vamwe vana vanorega kuenda kuchikoro apo vanenge vasvika danho reGrade 3 uye chikonzero chikuru chiri chekushaya mari yefundo.

Vanoti vana vanosiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari yedzidzo vanosvika chikamu che43%.

Vana vakawanda vanonzi vakasiira zvidzidzo zvepuraimari panzira mugore ra2012 nekuda kwekunyanya kukwira kwemari yechikoro uye vaisvika chikamu che23%.

Dr Dokora vanoti kusekondari, vadzidzi 157 chete pa1 000 voga-voga ndivo vanokwanisa kuenderera mberi kusvika Form 6.

Kusekondari vana vanonyanya kuregera chikoro vasati vapedza vanonzi vasikana avo vane chikamu che52% nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuroorwa.

Zvakaonekwa zvakare kuti vadzidzi vanonyaya kudzokorora magwaro anoti Grade 1, Form 3 ne4. Izvi zvinodaro nekuti paGrade 1 vamwe vabereki vanoendesa vana vavo kuchikoro vachiri vadiki zvikuru.

PaForm 3 ne4, vadzidzi vane chitsama vanodzokorora nekuti vamwe vanenge vasina kubudirira kuti vanyore bvunzo dzeO-Level kana kuti vanenge vafoira mubvunzo idzi, ongororo iyi inodaro.

Dunhu reMashonaland West rakaonekwa riri iro rine vana vanonyanya kudzokora avo vane chikamu che7% kusekondari ne4% kupuraimari.

Matabeleland North ndiyo inotevera nechikamu che6% chevanodzokorora kusekondari ne3,5% kupuraimari.

Harare ine nevadzidzi vashoma vanodzokorora avo vane chikamu che2% kusekondari ne0,5% kupuraimari.

Share This:

Sponsored Links