Vanhukadzi vari kungosimudzirwa

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Vanhukadzi vari kungosimudzirwa

Kwayedza

KUPERA kwesvondo rino, mutungamiri wenyika, President Mugabe vanove zvakare sachigaro wesangano reAfrican Union vanenge vave kunopereka chigaro chokutungamirira AU, kuna President Idriss Dėby  vokuChad.

Kubva muna Ndira 2015, kusvika nhasi uno, mutungamiri wenyika vakange vakamomoterwa nebasa raiita kuti vafambe kwakasiyana-siyana, vachinomiririra Africa. Vakatambirawo nhume dzakawanda dzaibva kunyika dzakasiyana, nhume dzaiuya kuzotura mashoko kana kutsvaga kuti sangano reAfrican Union ringabatsire sei.

President Mugabe vakaita sachigaro weAfrican Union, dingindira riri rokuona kuti kodzero dzamadzimai dzaramba dzichisimudzirwa kusvika Agenda 2063 yazadziswa. Dingindira ra2015 raive: “Year of Women Empowerment and Development towards Africa’s Agenda 2063.” Sachigaro veAU vari kuenda kumusangano kuguta reAddis Ababa svondo rino vaine uchapupu hwakati kuti huri maererano nokusimudzirwa kwekodzero dzamadzimai navanasikana muZimbabwe. Uchapupu hwakanaka, asi humwe hwacho huchibva mumarwadzo nokutambura kunosanganikwa nako navanhukadzi.

Ngatitorei mienzaniso mishoma-shoma yatinotarisira kuti sachigaro veAfrican Union vachanopawo kuti Zimbabwe yacho inotungamirirwa nokutaura namabasa.

Kuroodzwa kwavasikana vasati vabve zera: Hapana masvondo maviri dare rapamusoro-soro reConstitutional Court ratura mutongo unorambidza kuti vanasikana vasati vabve zera varoodzwe, uyewo kuti varume vanenge varoora vasikana ava vanosungwa voiswa mujeri.

Uyu mutongo uchadzikinura vasikana vakawanda vaimanikidzwa kuwanikwa pamusana pezvikonzero zvakasiyana, vamwe vacho vari vana vanoroodzwa navabereki vavo kuvarume vemazera aana sekuru vavo, ivo vasati vasvitsa makore 18.

Vanasikana vachave nemikana yakawanda, uyewo vanamazvikokota vanoti kuti dambudziko iri, rinosanganisira kubata pamuviri ripere, panofanirwa kuve nezvinhu zvinobatika zvokuti vasikana vaone kuti ramangwana ravo rakajeka, kusanganisira kupedza urombo mumhuri dzavo, nokuvapa chivimbo chokuti vanokwanawo mumikana inowanikwa navakomana.

Zororo ramadzimai vane pamuviri (martenity leave): Sachigaro veAfrican Union vari kuendawo kumusangano mushure mokunge dare reConstitutional Court raturirwa chichemo chokuti mitemo iri muLabour Act ine chokuita namadzimai anoenda kunozorora vachinosununguka, haisi kuenderana nezviri mubumbiro romutemo ra2013.

Maternity leave inyaya inobata madzimai anoshanda pasi rese, nokuti vanhukadzi vanoti vave nhapwa here kana vave kupihwa zvirango zvokuti vaitirei pamuviri, vachizoenda ku”maternity leave”. Kune dzimwe nyika muAfrica vanazvowo zvavari kuita, asi kuti Agenda 2063 iite, zvikomo zvinogoverana mhute. Zimbabwe yakatotanga!

Vasikana vogona kupinda vakomana: Muenzaniso wokupedzisira ndewokuti zvakabuda mubvunzo dzeA-Level yakanyorwa gore rakapera zvinoratidza kuti mumatunhu enyika ose ari gumi, vasikana vakakunda vakomana nezvikamu zvakati kuti kubva muzana.

Vamwe vanopembedza Hurumende, masangano akazvimirira pamwe chete navabereki, vari kuramba vachikoshesa kusimukira kwevanasikana, kusanganisira kuvaendesa kuchikoro vachisvika pagwaro rapamusoro-soro.

Kumhanya handi kusvika. Matanho ari kutorwa kusimudzira vanasikana namadzimai kudzidzo, nedzimwe nzvimbo akakosha. Zvichirevawo kuti pachasvika nguva apo zvikoro namaunivhesiti vachatoshaya kuti vasikana vari kugona zvidzidzo zveScience, Mathematics neTechnology vovaita sei.

Saka, huchapupu hunofadza huchatakurwa naPresident kuenda kuEthiopia!

Share This:

Sponsored Links