Varimi mumaguta votarisira goho guru

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Varimi mumaguta votarisira goho guru

Kwayedza

VARIMI vemumaguta vanoti vari kutarisira kubura goho guru mwaka uno kana vachienzanisa nemwaka wadarika zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevamwe varimi avo vaive mushishi kusakurira zvirimwa zvavo kunzvimbo dzinosanganisira Budiriro neHighfield muHarare avo vaitaridza mufaro mukuru kwazvo nemanairo ari kuita mvura.

“Tinofara zvikuru nekuti Mwari vakationawo mwaka uno nekutiwanisa mvura yemudenga uyewo apo neapo kazuva kanopota kachibuda zvinoita kuti zvirimwa zvedu zvikure zvakanaka. Pano takarima chibage asi dambudziko nderekuti minda yacho midiki setwuminda twemumadhorobhawo,” vanodaro Mai Otilia Doororwa.

Vanoti pamunda wavo vane tarisiro yekukohwa ma50 kgs echibage anokwana kuita makumi matatu.

“Dambudziko ratakatarisana naro kuno ndere makonye ari kudya chibage asi achiri mashoma zvawo uye kushaya fetereza yakakwana nekuti iri kudhura zvakanyanya ndiko kusaka chibage chedu chakatsvukuruka kudai. Tiri kutoita zvekuti kana tichinge tawana mumwe murimi wekubatanidza naye totenga bhegi refetereza tozoita zvekupimirana,” vanodaro.

Mai Doororwa vanoti gore rapera havana kuwana goho rakanaka nekuda kwekushaikwa kwemvura yemudenga yakakwana.

Mbuya Gladys Phiri (74) avo vanorimira vekuHighfield vanoti vari kutarisira kuwana ma50 kgs gumi nemashanu pamahekita maviri avari kurima.

“Kurima kwandiri kuita kwakandikoshera nekuti kunoita kuti ndiwane kudya kwemhuri. Iko zvino ndiri kutokanda fetereza yeTop Dressing nekuda kwekuti mvura yakanaya yakawanda ikayeredza kudya kwevhu kunova kunokudza zvirimwa,” vanodaro.

Mumwe murimi, VaTidos Ropa vekuBudiriro zvakare, vanoti zvinoda kushanda nesimba kuti munhu unge uchibudirira mukurima.

“Minda yedu yemumaguta inotibatsira zvikuru nekuti inoita kuti tisazodhurirwe nekutenga chibage chekudya. Pano ndiri kutarisira kuwana ma50 kgs makumi maviri echibage. Tinotenda Nyadenga nekutirangarira nemvura iyi asi tinongotyira kuti kana ikawandisa sezviri kutaurwa mumaredhiyo tinogona kurasikirwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links