‘Wakandimitisa ndiri pachikoro’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Wakandimitisa ndiri pachikoro’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUSIKANA wekumitiswa asati apedza chikoro akazopotera kudare redzimhosva achida kupihwa mari yekuchengeta mwana waakazobara.

Iye anoti anoda kuwana mukana wekunyora bvunzo dzake dzeO-Level. Letwin Magwaro akamhan’arira Paidamoyo Mandimutsa kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavakaita vose.

“Ndauya kuno kudare kuti ndibatsirikane pamwana wandakaita nababa ava. Pari zvino ndiri mubishi kugadzirira kuda kunyora bvunzo dzangu dzeO-Level idzo dzandakatadza kunyora pavakandipa pamuviri.

“Handina mukana wekutsvaga basa nekuti ndiri kuenda kuchikoro kuti ndizokwanisa kunyora bvunzo uye kuti ndipase. Ndiri kuda $380 yekuriritira mwana watakaita tose uyo ava negore. Mari iyi ndeyekutenga zvipfeko nechikafu chemwana,” anodaro

Anoenderera mberi achiti: “Kubva pandakaita mwana uyu, baba vacho havaratidze kana hanya naye, chero kumutengawo hembe kana chikafu. Ndinoona sekuti dare ringandibatsira kana rikati atange kubhadhara nekuti zvekutaurirana zvaramba. Mari yandataura iyi vanoikwanisa nekuti vanoshanda uye vanowana $500 pamwedzi.”

Mandimutsa anopikisana nemashoko aMagwaro achiti mari yaanoda yakawandisa.

“Mari yekuchengeta mwana ndinokwanisa kuwana $35 nekuti pamwedzi ndinotambira $150. Ndinoita zvekutengesa uye mari yangu ndinoiwana maerano nezvinhu zvandinenge ndatengesa.

“Ndikatengerwawo zvishoma, mari inoita shoma. Pari zvino ndini ndiri kuchengeta amai vangu vane dambudziko rechirwere cheshuga.

‘‘Mari imwe yacho iri kushanda kuvatengera mapiritsi nemishonga,” anodaro Mandimutsa.

Mutongi Manassa Masiiwa akati Mandimutsa abhadhare $70 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Share This:

Sponsored Links