‘Tose tiri pfambi dzemurume uyu’

11 Apr, 2024 - 18:04 0 Views
‘Tose tiri pfambi dzemurume uyu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wekwaMutare anoti ari kuoneswa pfumvu neshamwarikadzi yechikomba chake uyo anoenda kubasa kwake kuHarare, otanga kumutuka nezvinyadzi pamberi pevamwe vaanoshanda navo.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court uko Hazvineyi Katsande amhan’arira Betty Ngwerume achikumbira gwaro redziviriro.

Katsande anoti iye naNgwerume vose vanodanana nemurume angozivikanwa saJohnson mudare uye hapana akabvisirwa pfuma saka haafanire kumushungurudza.

“Mai ava havana kana murume, vane vana vashanu nevarume vakasiyana uye havana kumbobvira vakagara naJohnson sekutaura kwavari kuita mudare muno. Vane tsika yekuti pose pavanondiona, vanoshevedzera kuti pfambi iyo yabva kwaMutare kuinga varume vevanhu. Izvi vanozviita ndichipinda pahead office pedu,” anodaro Katsande.

“Vakambouya pabasa pangu ndokutanga kundirova vachiti ndiri kudanana nemurume wavo, nyaya iyi yakazoperera kumapurisa uko vakabvisiswa faindi. Ngavarege kunditi pfambi nekuti tose tiri pfambi dzaJohnson, hapana akaroorwa nemurume uyu,” anodaro.

Achipawo divi rake, Ngwerume anobvuma kuti akarova Katsande achiti ainge abatwawo neshungu.

“Hongu, ndakamurova nekuti haadi kusiyana nemurume wangu, dai asiyana nemurume wangu ndiko kuti nyaya iyi ipere. Mukadzi uyu anoshanda nemurume wangu saka vanopota vachironga matiripi ekubasa vonosangana ikoko kunosasana,” anodaro Ngwerume.

Mutongi Johanna Mukwesha vapa Katsande gwaro redziviriro ndokuudza Ngwerume kuti asasvike pabasa pake uye arege kumutuka.

Share This:

Sponsored Links