World Bank yotsigira dzidzo

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
World Bank yotsigira dzidzo Cde Muchinguri

Kwayedza

Daphne Machiri
BHANGA repasi rose, reWorld Bank, riri kubatana nesangano reAfrican Union mukusimudzira fundo kumayunivhesiti, zvikuru yezvidzidzo zvemabasa emawoko pasi pechirongwa cheAfrican Centres of Excellence (ACE II). Vachitaura nguva pfupi yadarika pakuparurwa kwechirongwa ichi muHarare, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vakatenda rutsigiro urwu vachiti rwuchabatsira zvikuru mukuvandudza dzidzo.

“African Centres of Excellence chirongwa chakanyanya kunangana nekusimudzira upfumi hwenyika dzemuAfrica kuburikidza nefundo, kusimudzira dzidzo yepamusoro, kuunzwa kwemabasa kune vechidiki vanenge vachangopedza zvidzidzo zvemayunivhesiti nemakoreji,” vakadaro.

“Uyu mukana wakakura wekusimudzira vechidiki sezvo ndivo vatungamiriri vemangwana.
“Donzvo ndere kuvapa ruzivo rwekuti vashande nesimba mukusimudzira nyika zvakare kuti vafambirane neruzivo rwechimanje-manje mukushandisa makombiyuta.

“Nekudaro zvakakosha kuti vana vechikoro vepuraimari nesekondari vaite zvidzidzo zveMathematics neScience vachigadzirira kuenda kumayunivhesiti nemakoreji,” vakadaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vachitaurawo pachiitiko ichi vakamirira bhanga reWorld Bank, VaXianonan Cao, vakati vacharamba vachitsigira dzidzo yekumayunivhesiti.
“Tiripo pakuti vadzidzi vabude nemazano anosimudzira upfumi hwenyika, zvakare tiri kutarisira kutanga mabhindauko atinenge tichitsigira kumayunivhesiti akasiyana,” vakadaro VaCao.

“AECII iri kushanda iri munyika dzinokwana 19 muAfrica uye pane mari inosvika US$8 miriyoni yezvirongwa izvi,” vakadaro VaCao.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>