Zimbabwe yokwikwidza muzvidzidzo zveScience

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Zimbabwe yokwikwidza muzvidzidzo zveScience

Kwayedza

Daphne Machiri
NYANZVI dzevechidiki dzezvigadzirwa zveScience dzichanomirira Zimbabwe munguva inotevera kumakwikwi achaitirwa kuSouth Africa, Singapore nekuUnited States of America ayo ari kurongwa neveZimbabwe Science Fair. Nguva yadarika, Zimbabwe yakakwikwidza ku67th Intel International Science and Engineering Fair kuUSA apo yaive pakati pedzimwe nyika dzaimirira Africa.

Kumakwikwi aya, vana vepaQueen Elizabeth Girls High School, muHarare, vanoti Kudzai Chabara naAudrey Vengesai vakanoratidzira firiji yavakagadzira inoshanda nemuto wemaremani, madota nefetereza.

Mukuru weZimbabwe Science Fair, Knowledge Chikundi, anoti vari kuita gadziriro dzekuti vanokwikwidza kuNorthern Gauteng Science Fair iyo ichaitirwa kuUniversity of Pretoria, kuSouth Africa, muna Nyamamvhuvhu gore rino.

Mushure mezvo, vachaenda kuNamibia muna Gunyana nekuSingapore gore rinouya pamwe chete nekuUnited States zvakare.

“Donzvo redu nderekusimudzira zvidzidzo zveScience zvinova zvichaita kuti tikwanise kugadzirawo michina nekusimudzira upfumi hwenyika pasina kunotora michina kunze kwenyika,” anodaro Chikundi.

Anoti pari zvino vari kutenderera mumatunhu ose enyika vachitsvaga shasha dzechidzidzo cheScience idzo dzichanomirira Zimbabwe kumakwikwi aya.

“Iye zvino tava nevana vakawanda vatinokwanisa kushanda navo vachimirira nyika muzvidzidzo zveScience. Tichange tichiita sarudzo idzi gore negore nekuda kwekuti vamwe varipo vanenge vapedza zvidzidzo zvesekondari, vave kuenda kumayunivhesiti nemakioreji,” anodaro Chikundi.

“Donzvo redu seScience Fair zvakare kufambirana nechirongwa chekukurudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) mukuvandudza dzidzo yemuZimbabwe.”

Anoti vari kushandawo nedzimwe nyika dzemuAfrica mukusimudzira zvidzidzo izvi.

“Svondo rapfuura takabva kuChreso Group of Schools kuLusaka, kuZambia, uko takanoona zvikoro zvavo vachisarudzawo vana vachanomirira nyika yavo mumakwikwi ezvidzidzo zveScience,” anodaro Chikundi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>