Zverudo newanano

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NYAYA dzezverudo newanano dzinotibata chero padanho ripi zvaro reupenyu nekuti tinogara nekurarama nadzo. Zvakakosha kuti tizive zvinotarisirwa navakuru tigozvifananidzawo naizvo zvoitika mazuva ano.

Makare kare zvaive zvakarongeka chose uye zvaisadaidza hunhongwa hwakawanda. Vanhu vekare vaitanga nekutsvaga gwevedzi, iro raitumwa namashoko ekupfimba.

Gwevedzi iri raienda kumusikana richipoterera nekure dzamara razokanda shoko rerudo. Munhu aituma gwevedzi aizivikanwa neaida kusvitsa shoko rerudo nekuti vanhu ava vaigara munharunda imwe chete. Vaizivana tsika namagariro avo zvekuti hapana kana nechimwe chainge chakavanzika. Zvaitora nguva kuti musikana agobvunza kuti ada mukomana saka zvaisada chiramwa.

Mazuva ano vanhu vava kudanana vasati vamboona kubudikidza naidzo nharembozha dzakati kuuya idzi. Munhu anonhonga munhu panonzi “online date” votobva vadanana pasina anoziva tsika nemafambiro emumwe.

Vanobva vatovimbisana kuroorana ipapo. Kazhinji vanhu ava vanenge vachigara nzvimbo dzakataramukana zvekuti zvinotora nguva kuti vagozosangana nekuzivana. Chinenge chichitonga mifananidzo yavanopanana. Rudo rwakadai harwuna hwaro nekuti rwakadyarwa pamusoro pasina midzi. Vaviri ava havatane kurambana.

Kare zvaiti kana musikana abvuma kuti ada mukomana, aimupa mubato wekuratidza kuti ada. Aimupa mubato kana kuti chindakuda. Mushure mechindakuda vaimbofambidzana kusvika panozonzi rudo rwapisa. Kana rudo rwapisa, musikana anonopa mukomana inonzi nduma kana kuti nhumbi. Vaviri ava vakaramba vachidanana zvekuvimbisana kuroorana, vanozopana zvitsidzo vese pamberi pavatete.

Kana rudo rwaramba rwichipisa kusvika pakuda kuchiroorana, panotsvagwa munyai kana kuti sadombo.

Sadombo kana kuti samutume anozoenda kunotaura nevakarahwa akabata pfuma yekurooresa. Ndiye anomira pakati pemukuwasha navatezvara mukutemerana pfuma ingadiwa mukuroorwa kwemwanasikana wavo.

Musi iwoyo wekuroorwa uyu, pfuma dzinotaurwa namazita akasiyana. Kune mari inobviswa yekutangisisa inonzi vhuramuromo. Mushure mevhuramuromo kunobviswa mari inonzi yemakandinzwaani. Basa rinenge rava kuchitanga apo vakuwasha vanobvisiswa mari yekusunungura homwe. Mari inenge ichiiswa mundiro yaambuya nekudaro ndiro iyoyo ine muripo wemari inonzi yendiro.

Kana zvadai, basa rochiita mutserendende kutanga nababa vachitaura zvavo amaiwo nekoko. Baba vanodaidzira mari inonzi matekenyandebvu. Mari iyi inonzi muripo wekuti mwanasikana uyu aimbotamba nendebvu dzababa vake achiri mudiki.

Amaiwo vanobva vadevedzera mari yehotamiro iyo inova muyeuchidzo hwekuti mwanasikana oroorwa uyu vainetseka nekukotama iye ari mudumbu pakuita mabasa akaita sekucheka zviyo. Vanotizve mwana iyeye aivapfura-pfura ari mudumbu. Vanoti zvakare mwana iyeye aivapfuura ari mudumbu nekudaro vanoda mari yemapfukudzadumbu.

Baba vanoda kuomberwa nekudaro panobviswa mari yegusvi kana mauchiro. Iyewo muroorwi anonzi aite yake mari yaanozogovana natete nevanin’na kana vakoma vake nekudaro panodiwa manhongo.

Baba vanozodaidzira mari yavo zhinji yekuroorwa kwemwana wavo inonzi rusambo. Pfuma yemombe inobviswa pakuroora inonzi danga. Mombe inopihwa amai vemusikana ari kuroorwa inonzi mombe yehumai.

Nhumbi dzinotengwa dzinonzi majasi. Kana mukuwasha akaita zvekutizisa mwana vevanhu anobvisiswa mhoyamusha. Kana mukuwasha akapa mwana pamuviri asati aroora anobvisiswa mari inonzi yepwanyazhowa kana matyorwa. Mukuwasha anotarisirwa kuuyawo nemapasuru zviri zvekudya zvinotengerwa vari kuroorerwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>