Zvidzai ihonzeri

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

3. NDEAPI matambudziko mashanu anoshungurudza Tandiwe muupenyu hwake muna Dare Retariro? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Kutukwa mamwe matambudziko anosangana naTandi. Matambudziko aya anoonekwa paanenge achangobva kusundirwa pasi naZvidzai achinodonha negotsi. VaMandionei vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo mhosva yenhumbu isiri yake.

Muna Dare Retariro, Tandi anowirwa nematambudziko ekutapurirwa utachiona hweHIV. Izvi zvinoonekwa paanoperekedzwa kukiriniki yepaMutapi namaiguru vake, Hazvinei kuti anonyoresa pamuviri.

Anovhenekwa chirwere cheshuramatongo namukoti Sibanda ndokuonekwa kuti ropa rake raive neutachiona hweHIV zvinove zvinomurwadza chose ndokutanga kuzvirovera pasi achichema nekuti akanga azadzwa utachiona uhu naZvidzai asingazvizive.

Mamwe matambudziko anoshungurudza Tandi muupenyu hwake ndeekusemwa.

Izvi tinozviona paanopihwa midziyo ine rupau naVaMandionei yekuti atange kuzvibikira oga nekuti akanga aine utachiona hweHIV hwavaiti maperembudzi avaitya kuzadzwa kana vakabika pamwe chete naye.

Mubhuku Dare Retariro, Tandi anosangana nematambudziko enzara. Matambudziko aya anoonekwa paanosvika achidonhera pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore vekuchechi yeRoma achiratidzika kupera simba. Pavanomubvunza kuti chii chaimunetsa, anovaudza kuti akanga anzwa nenzara.

Tandi anoshungurudzwa nematambudziko ekurohwa. Tinozviona panoenda Baba Madzore kumusha kwaVaMandionei vachida kunovarayira kuti vagare naTandi zvakanaka asi vanozoshamisika kumuona achirohwa mbama naVaMandionei achinzi ndiye akanga anovakoka kuchechi yeRoma kuti vazosvika pamba pavo.

4. Zvidzai ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Dare Retariro. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

Honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anopa Tandiwe pamuviri. Tinonzwa naTandi achiudza dare raiva pamba paVaTigere paitongwa nyaya yake yekutizira Zvidzai achiti vakanga vatanga kuita zvekurara vese vari kuChipinge. Apa ndipo paanozogumisira abatira pamuviri paZvidzai.

Izvi zvinoita kuti Tandi azosangana nematambudziko ekushaya kwekuenda, Zvidzai ave kumuramba achiti nhumbu haisi yake ukuwo kumusha kwavo vabereki vake vakanga vasingachamudi vachiti akavanyadzisa nekutizira asati apedza chikoro.

Muna Dare Retariro honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anonyepera amai vake, VaMandionei kuti pamuviri paive naTandi paisave pake.

Izvi zvinoonekwa manheru ezuva ratizira Tandi kuna Zvidzai uyo anonyepera amai vake kuti aipomerwa nhema naTandi nekuti akanga asina kumupa pamuviri.

Izvi zvinoita kuti Tandi agare achiwirwa nematambudziko ekutukwa naVaMandionei kuti ipfambi yaida kupa mwana wavo nhumbu isiri yake, vachivavarira kuti adzokere kumusha kwavo kuChipinge.

Zvidzai anosandudzira Tandi achibva adonhera pasi negotsi. Zvinobuda Tandi paanoenda paigadzirwa chizumbu chehuku naZvidzai achida kunotaura naye. Zvidzai anotanga kumusvotesa achiti haasi murume wake uye ipfambi, ndokuzoguma nekumusandudzira zvine masimba achinodonhera pasi negotsi. Izvi zvinoita kuti Muchaneta azosangana nematambudziko ekurohwa mbama naZvidzai mushure mekunge amubvunza kuti sei asandudzira Tandi achibva adonhera pasi negotsi.

Zvidzai anorara naTandi aive mhandara achifunga kuti utachiona hweHIV hwaive muropa rake huchapera. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Zvidzai anorara naTandi aive mhandara vari kuChipinge achifunga kuti utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera sezvaakanga audzwa nen’anga yainzi Zinorengwe.

Izvi zvinoita kuti Tandi azowirwa nematambudziko ekubatirawo utachiona hweHIV mushure mekunge arara naZvidzai aive naho.

Tandi anoshungurudzika zvikuru paanoudzwa kukiriniki kuti aive neutachiona uhu.Honzeri yematambudziko ndiZvidzai anotiza pamusha. Tinozviona paanotiza Tandi pamusha achisiya aoneka amai vake chete achibva aenda kuDangamvura kunoita chihwindi kumakombi. Aifunga kuti Tandi achasara achidzokera kumusha kwavo.

Izvi zvinoita kuti VaMandionei vazorwara nebhiipii mushure mekunge vava kugara vachirwadziwa nemusoro vapererwa nemazano sezvo vaive vaedza zvese zvavaigona kuti Tandi adzokere kumusha kwavo asi zvichiramba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>