Zvidzidzo murungano

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
15. Bhuku rinonzi Museve Usingapotse rinotsanangura nezvenhoroondo yekare. Zvino iwe chinyora uchitsanangura zvinhu zvisere zvawakadzidza nezveupenyu hwechinyakare. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana ndechekuti pasichigare madzimambo aiomeswa azovigwa muninga. Chidzidzo ichi chinobuda Karinge paanoenda nababa vake, Mambo Chakaingesu kunoratidzwa ninga yairadzikwa madzimambo avo. Anoona mitumbi miviri yevarume vakanga vakaomeswa kuitwa chimukuyu vakagariswa pamatehwe embada, vakapfekedzwa nhembe dzeumambo. Aya aive madzisekuru ake. Ndakadzidza kuti kare vanhu vaifamba nzendo refu netsoka. Izvi zvinojekeswa naPondai anofamba rwendo rwurefu achipotera kwaMambo Mupambi achibva kumusha kwake kwaMambo Chakaingesu ndokutora mazuva gumi ari munzira achingofamba nemumasango asati asvika.

Muupenyu hwepasichigare ndave kuziva kuti vanhu vaipfeka zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka. Izvi ndakazviona kuna Karinge anoburitswa akapfeka nhembe yakagadzirwa nedehwe rembada mazuva aanenge ari musango achivhima neshamwari dzake. Paanoona mbada tinonzwa kuti ruvara rwayo nerwenhembe dzake rwakanga rwusina musiyano. Chimwe chandakadzidza ndechekuti pachinyakare vanhu vairarama nekuvhima. Izvi zvinoonekwa kuna Karinge neshamwari dzake pavanoenda kusango kunovhima kwemazuva mashanu ndokudzoka vakadzimba nyama yemhuka dzakasiyana-siyana dzaisanganisa nhoro, nguruve nemhembwe. Imwe dzidzo yandakabura kubva murungano urwu ndeyekuti pasichigare vanhu vairarama nekupambana. Izvi zvinojekeswa naMambo Mupambi vanotumira mauto avo kuti aende kunopamba vanhu vekwaMambo Mushoshoma ndokudzoka vaine pfuma yemombe dzinokwana makumi manomwe. Mambo Mupambi vanopambazve Mambo Tineshungu ndokuvatorera pfuma yemombe dzaisvika makumi manomwe.

Kubva muupenyu hwepasichigare ndave kuziva kuti vanhu vaive netsika yekutapana. Izvi ndakazviona kuna Mambo Tineshungu vanotapa hanzvadzi dzaKaringe dzaakanga avakumbira kuti vamuchengetere, vachidziita vakadzi vavo, mushure mekunge dzambotapwazve naMambo Mupambi kwaakanga abva kunodzitora. Izvi zvinobudazve panotapwa dungwe remadzimai nevarwi vaMambo Mupambi kubva kwaMambo Mushoshoma.

Chimwe chidzidzo chandakadzidza ndechekuti pasichigare vanhu vairapwa nen’anga. Izvi ndakazviwana mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi nemunyori vana vaiti vakarwara vaiendwa navo kun’anga dzakaita saKandishaya naMapfumo kuti dzirove hakata.

Chidzidzo chekupedzisira chandakabura kubva murungano urwu ndechekuti kare mambo vakarwara vairapirwa kuninga yemadzimambo. Izvi zvinozadziswa panopunzika Mambo Mushoshoma, ari mangwanani pachivanzi pavo ndokutakurwa neharahwa vachinorapirwa kunze kwemusha kwaive neninga yedzimbahwe ravo kusvika vapora.

16. Tsanangura zvinhu zvisere zviri muna Museve Usingapotse zvinojekesa kuti rungano urwu rwuzere tsika nemagariro echinyakare. [25]

Pasichigare kwaifambwa nzendo refu netsoka. Izvi tinozviona panoenda Pondai kwaMambo Mupambi achinotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu. Anofamba kwemazuva mazhinji kwazvo aitokwana gumi ari mumasango asati asvika.

Pasichigare vanhu vairarama nekuvhima. Zvinojekeswa naKaringe neshamwari dzake vanoenda kunovhima kusango ndokutora mazuva mashanu vasati vadzoka. Vanozodzokera kumusha nenyama yemhuka dzakasiyana-siyana yavaive vadzimba yaisanganisa yenhoro, yenguruve neyemhembwe.

Pasichigare kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka. Izvi tinozvijekeserwa naKaringe anoburitswa akapfeka nhembe yakagadzirwa nedehwe rembada mazuva aanenge ari musango achivhima neshamwari dzake. Paanoona mbada tinonzwa nemunyori kuti ruvara rwayo nerwenhembe dzake rwakanga rwusina musiyano. Pasichigare kwaishandiswa zvombo zvinosanganisa miseve. Izvi tinozviona panorwiwa hondo yeupambwa pakati paMambo Mupambi naMambo Chakaingesu, apo Pondai anoshandisa miseve gumi neumwe kuuraya Mambo Chakaingesu. Uto raMambo Mupambi rinonzi Marizani rinouraiwa nemuseve naMambo Chakaingesu pahondo yekupambwa kwedunhu ravo.

Pasichigare vanhu vainyanya kukoshesa n’anga. Izvi zvinobuda mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi vana vaiti vakarwara vaiendwa navo kun’anga dzakaita saKandishaya kuti arove hakata. Mambo Chakaingesu vanoenda kunobvunzira kun’anga nezvekutsakatika kwaPondai mazuva aapotera kwaMambo Mupambi. Pasichigare madzimambo aive nevasori vehondo. Izvi zvinoonekwa kuna Mambo Mupambi vanotumira vasori vavo, Marizani naKunjerekunjere kuti vaende naPondai kunosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Pasichigare vanhu vaipambana pfuma nekutapa vakadzi. Zvinojekeswa naMambo Mupambi vanotumira mauto avo kuti aende kunopamba Mambo Mushoshoma ndokuvigirwa pfuma yemombe makumi manomwe nedungwe remadzimai, vomhanyira kusarudza maviri. Pasichigare madzimambo aivigwa muninga akaomeswa. Izvi zvinobuda Karinge paanoenda nababa vake, Mambo Chakaingesu kunoratidzwa ninga yairadzikwa madzimambo avo. Anoona mitumbi miviri yevarume vakanga vakaomeswa kuitwa chimukuyu vakagariswa pamatehwe embada, vakapfekedzwa nhembe dzeumambo. Aiva madzisekuru ake. Pasichigare munhu akanyanyisa kurwara airapirwa kunze kwemusha. Izvi tinozviona panopunzika Mambo Mushoshoma pachivanzi pavo ndokutakurwa nedzimwe harahwa vachinorapirwa kunze kwemusha kwaive neninga yedzimbahwe ravo. Pavanhu vazhinji vemudunhu ravo hapana akanga achiziva kuti vaivepi panguva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>