Zvikoro zvakaungana paGateway High

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Zvikoro zvakaungana paGateway High

Kwayedza

Ivan Zhakata —
KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers Limited (Zimpapers) svondo rapera yakaratidzira zvinhu zvakasiyana pagungano rekupa vana vechikoro mazano pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vachinge vapedza dzidzo (career fair) paGateway High School, muHarare.

Sitendi yeZimpapers – iyo inodhinda mapepanhau anosanganisira Kwayedza, The Herald, The Sunday Mail, Chronicle, The Manica Post, Sunday News, H-Metro, B-Metro, Zimtravel, Umthunywa, Suburban, Southern Times uye iine nhepfenyuro dzinoti Star FM neDiamond FM – yaishanyirwa zvikuru nevana vechikoro avo vaida kuziva zvakawanda pamusoro pekambani iyi. Zimpapers svondo rino yakaparura rimwezve bepanhau idzva, Business Weekly, iro rinoburitsa nhau dzemabhizimisi nezvine chekuita neupfumi bedzi.

Gungano rekuGateway High raive rakananga kupa mazano kune vana vechikoro pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vachinge vapedza chikoro.

Makambani anodarika 100 emunyika muno neekunze akaratidzira zvakasiyana pachiitiko ichi apo paive nevana vakabva muzvikoro zvinodarika 20 zvemuHarare.

Achitaura pachiitiko ichi, Gateway High School councillor Elizabeth “Liz” Siyachitema anorumbidza chiitiko ichi achiti chinobatsira kuti vana vechikoro vakwanise kuronga remangwana ravo zvine hungwaru.

“Chiitiko ichi chakatanga makore matanhatu adarika sezano remukirasi tikabva tazorivandudza kusvikira nhasi uno. Chinangwa ndechekuti vana vawane mazano akadzama pamusoro pemabasa avanokwanisa kuita kana vachinge vapedza dzidzo yavo pamwe nekuzivawo zviri kuitika mumaindasitiri,” anodaro.

Siyachitema anoti zvakakosha kutsigira vana vechikoro kuburikidza nemagungano akadai.

Share This:

Sponsored Links