Zvipfeko zvakare nezvemazuva ano

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KARE kare pasi pacharohwa nenyundo vanhu vaisapfeka nhumbi sedzava kupfekwa mazuva ano.

Vanhu vaisimira muviri wose asi kuti vaigadzira matehwe opfaviswa kugadzira dzainzi nhembe. Nhembe idzi dzaiva dziina mazita adzo.

Varume vaipfeka chitehwe kumberi kwavo chainzi shashiko.

Madzimbuya aisungira rukusha. Rukusha chaiva chitehwe chaisungiswa muchiuno nemadzimbuya ekare.

Madzimaiwo aigadzira ndaza yechuma chavaisungirira muchiuno. Ndaza yechuma iyoyo yainzi mikanda kana kungonzi chuma.

Vanhukadzi vaigadzirirwa zvekupfeka mumawoko izvo zvaigadzirwa nekopa kana simbi. Zvishongo izvi zvaidaidzwa kunzi tsambo. Tsambo dzaipfekerwa kuwedzera runako kuvanhu vechikadzi. Mukuwedzera runako zvakare vanhukadzi vaipfeka chipfeko zvenyanga dzenzou izvo vaipfeka mumawoko. Chipfeko ichocho chainzi koza.

Apo vanhu vakadzidzira kugadzira zvokusimira vakabva vawanawo pfungwa dzekugadzira zvekufuga kuzvidzivirira husiku vakarara kubva kuchando. Vakabva vatanga kusukuta matehwe vachigadzira zvokufuga zvainzi daunha. Vakarukazve rimwe zano rekugadzira zvekufuga varere vachishandisa makavi akatsokotwa. Chekufuga chavakagadzira ichi chainzi gudza.

Vaishandisa makavi omupfuti neemutondo. Vakabva vaona zvakare zvakakodzera kugadzira chivezwa chekutsamira. Chekutsamira ichi vakachitumidza kuti mutsago.

Izvo vakange vava namagudza nedaunha vakabva vafungawo kugadzira chekuwaridza pasi vasati varara. Vakatora tsanga nerwodzi ndokuruka rukukwe. Rimwe zita rakapihwa rukukwe ndirupasa kana kuti bonde.

Sezvo chekupfeka nekufuga chakange chavepo vanhu vakatanga kugadzirawo chekupfeka mutsoka icho chaigadzirwa nedehwe. Chemutsoka ichi vakachitumidza kuti tsapata kana kuti shangu.

Vechinyakare ivavo havana kuda kusara munyaya dzemimhanzi. Izvo varume vaidandaura ngoma, vamwe vachirova makwa nezvikuvauro vamwe vainge vopfeka mumakumbo avo magavhu kana kuti magagada.

Magavhu aya aibva arira sehosho achitevedzera kutambwa kwaiitwa navatambi. Vakadziwo vaipfeka ndarira mumakumbo idzo dzaigadzirwa nekopa.

Tiri panyaya yekupfeka iyi vanhu vakaramba vomuka namazano akasiyana izvo zvakadaidza kugadzirwa kwechitava chaigadzirwa nedehwe uye chaipfekwa mumusoro navasikana kuwedzera runako.

Madzishewo aisada kungofananidzwa nerudhende nekudaro vaigadzirirwa chipfeko chegoko remhuka icho chaisungirwa padehwe chopfekwa muhuro. Chipfeko ichocho chainzi ndoro. Vakadzi vakabva vagadzirirwa chavo chipfeko chemuhuro chainzi homo. Homo yaigadzirwa nekopa.

Nekufamba kwenguva zvinhu zvakashandukawo. Vanhu vakatanga kusangana namachira mukutengeserana nevemhiri kwamakungwa kana kunze kwenyika. Kuuya kwejira kwakashandura zvakawanda.

Kwakava nefuko rinova jira rinofukidzwa mufi. Kwakabva kwaita chipfeko chejira chamadzimai chinofukidza mberi neshure chakareba kusvika muzviziso zvegumbo. Chipfeko ichi chinodaidzwa kunzi mutigidza kana kuti mutishira. Ndiro Zambia rosungwa mazuva ano.

Kwakabva kwauya mudzimuwarembera iro ratinoti jasi nhasi uno. Pfungwa dzakaramba dzichizaruka zvekuti tave nenhuruvagwe yatinoti hwasikiti mazuva ano. Kwachizouyawo mhete idzo dzongorembedzwa munzeve nevanhukadzi mazuva ano.

Share This:

Sponsored Links