2 000 vapinzwa chikoro neDelta

08 May, 2023 - 15:05 0 Views
2 000 vapinzwa chikoro neDelta Muzvare Patricia Murambinda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Delta Corporation iri kupemberera kusvitsa makore 125 yavambwa, kambani inogadzira zvinwiwa nedoro iyi haisi kumira mukudzorera kunharaunda, zvikuru sei mukusimudzira dzidzo apo yabatsira vadzidzi vanobva kumhuri dzinotambura vanosvika 2 000 nemabhezari mumakore 20 adarika.

Gore rino kambani iyi iri kubatsira nemabhezari vadzidzi 100 vari kuita zvidzidzo zveA-Level kusvika kuyunivhesiti.

Nemusi weChitatu, kambani iyi yakaita chirongwa chekudzidzisa (induction) vamwe vevadzidzi vanosvika 50 avo vakawaniswa mabhezari kuMandel Training Centre, muHarare.

Muhurukuro, Muzvare Patricia Murambinda – avo vanova general manager (corporate affairs) kuDelta – vanoti donzvo ravo guru nderekusimudzira dzidzo nekuvandudza zvipo zvevadzidzi.

“Tine vadzidzi vakatsvagwa nezvikwata zvedu zvinoongorora muzvikoro vana vane zvipo zvekugona asi vachinetseka kuwana mari dzechikoro. Tine zvekare vana vevashandi vedu vepasi vanogona muchikoro avo tinoisa muchirongwa chemabhezari ichochi. Tinoda kuti tive nenharaunda ine vana vakadzidza uye tine huchapupu hwevamwe vadzidzi vanova magweta, varairidzi, varapi, vatauriri vemakambani vakadai saJoyce Chapungu uyo ava mukushi wemashoko kuEnvironmental Management Agency (EMA) nevamwe vakawanda.

“Zvose zvinobva mudzidzo. Kune vana vakawanda munyika vanoda rutsigiro urwu asi pari zvino tinotora gumi pachikamu chimwe nechimwe uye tinotarisira kuzowedzera huwandu hwavo,” vanodaro.

Muzvare Murambinda vanoti pagore, kuburikidza nechirongwa ichi, kambani yavo yakazvipira kutsigira mabhezari aya neUS$100 000.

“Kusvika pari zvino, vadzidzi 2 000 vabatsirikana nechirongwa ichi kureva kuti taburitsa mari inoita US$2 miriyoni yekutsigira dzidzo pamakore makumi maviri adarika patakatanga chirongwa ichi,” vanodaro.

Vadzidzi vakapihwa mabhezari neDelta

Tawananyasha Temberere uyo akatsigirwa nemabhezari aya paA-Level yake akapasa uye ava kuenda kuyunivhesiti achitsigirwa neDelta muzvidzidzo zvake zveBio-Technology.

“Ndinotenda Delta Corporation zvikuru nekutirangarirawo nekuti pasina ivo ndingadai pamwe ndigere kumba asi vakandibereka kubvira pandakanga ndichiita A-Level kusvika nhasi uno pandava kunoita dhigirii rangu kuyunivhesiti. Hazvisi nyore nekuti mari iri kunetsa saka ndichashandisa mukana uyu zvakanaka kuti ndidzidze, ndipase ndive chidadiso kumhuri kwangu nevanonditsigira,” anodaro.

Mavis Machokoto (17) wepaGutu High, kuMasvingo, uyo akapasa O-Level yake zvinonwisa mvura uye ava kuita A-Level pachikoro chimwe chete ichi achitsigirwa neDelta, anoti anotarisira kupasa nekuzoenda kuyunivhesiti achibatsirwa zvekare nekambani iyi.

Takudzwa Chirove wepaSt Faith High School, kwaRusape, anotendawo mabhezari aya uye ari kubatsirwa semwana wemushandi wekambani iyi ane basa repasi.

Roy Phiri akaita A-Level yake akabuda ne20 poinzi paThorn Hill High iri kuGweru uye ava kuenda kuUniversity of Zimbabwe kunoita Actural Science nekuda kwerutsigiro rwemabhezari eDelta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>