Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected] . Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Zadzisa mitsara iyi uchishandisa mazwi anotevera:
shena, munongedzo, man’a, muparavara, durunhuru
- Musoro wakagerwa vhudzi rose unonzi . . . (muparavara)
- Munwe unonongedzera unonzi . . . (munongedzo)
- Nzvimbo inorasirwa madota inonzi . . . (durunhuru)
- Kucheneruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane . . . (shena)
- Kutsemuka kunoitika pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi . . . (man’a)
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
Pendane Gadzema, Kandege, Chegutu, 0718 680 333 – 1. Musoro wagerwa vhudzi rose rinonzi baravara.
- Munwe unonongedza unonzi munongedzo.
- Nzvimbo inorasirwa madota inonzi gomba.
- Kuchenuruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane shena.
- Kutsemuka kunoitika pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi man’a.
* * *
Tanisha Ndawana, Mberi Primary School, Zengeza – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Akudzwe Mambo, Grade 3, Mutukwa Primary School, Dora Pindo, Mutare – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Abigail Chirongo, Budiriro – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Shellington Muchenje, Chinhoyi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
0776 573 077 – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Trevor Mutero, Zvimba, Murombedzi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Willard Mazarura, Mudzi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Memory Munhumutema – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
Tawananyasha Mudavanhu, Chitsvatsva, Chitungwiza – 1. Musoro wakagerwa vhudzi rose unonzi muparavara.
- Munwe unonongedzera unonzi munongedzo.
- Nzvimbo inorasirwa madota inonzi durunhuru.
4 Kucheneruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane shena.
- Kutsemuka kunoita pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi man’a.
* * *
Zhuwaki N J, Buhera – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a
* * *
0775 030 594 – Kutumbura.
* * *
Chinyonga R, Kariba – Kutumbura.
* * *
Memory Rangarirai Kambamura, Rushinga via Rusambo, 0782 020 114 – Kutumburwa.
* * *
Francisca Nyaradzo Gorimbo, Pelandaba, Bulawayo – 1. mbezo; 2. guyo; 3. badza; 4. demo; 5. mugwaku
* * *
ZVEKUITA:
Shandisa mazwi ari pazasi kupindura mibvunzo inotevera:
kumona, kukurunga, kukanya/kuvhanga, musuvanzombe, kutemura
- Kusanganisa sadza nemukaka kunonzi chii?
- Kutimba zimusuva rakakurisa kunonzi kutimba chii?
- Kushandisa mugoti kusanganisa upfu nemvura kunonzi?
- Kushandisa mugoti kusanganisa sadza risati razopakurwa kunonzi?
- Kutora musuva wesadza uchiudya usina muriwo kunonzi chii?
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.