‘Vanoda kundikanda mudhamu’

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Vanoda kundikanda mudhamu’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti ave kugara akabatira hana yake mumawoko nekutya murume nemudzimai wake avo vanova vavakidzani vake vanomuudza kuti vachamubaya nebanga, vonokanda matumbu ake mudhamu.

Nyaradzai Muchenagumbo akamhan’arira Taurai Zvatonga nemudzimai wake Memory Zvatonga kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Muchenagumbo anoti vavakidzani vake ava vanoenda kumba kwake vachinomuonesa ndondo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muchenagumbo gwaro rinomuchengetedza.

“Vaviri ava vanondishungurudza, vanovhura gedhi rangu vachinditukirira. Vakambondibatira banga vachiti vanondibaya, vagonokanda mutumbi wangu mudhamu.

“Handizive kuti sei vachidaro asi ndave kugara ndiine kutya. Murume wacho ane dambudziko rekuda kupindira nyaya dzevakadzi, haadi kunzwa kuti mudzimai wake ane zvaaitwa. Handingabvi pandinogara nekuti imba yangu asi ivo vanoroja,” anodaro.

Taurai anoti haapokane nechikumbiro chaMuchenagumbo sezvo asati ambosvika kumba kwake.

Memory anotiwo, “Handipokane nechikumbiro chavo asi amai ava vakauya vakarova vana vedu.

‘‘Takaenda kumapurisa asi handina kuvhurisa dhoketi sezvo tiri vavakidzani.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>